Uncategorized

Byo yotungamira pavana vamitiswa

13 Dec, 2020 - 09:12 0 Views
Byo yotungamira pavana vamitiswa Muzvare Misihairabwi-Mushonga

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

KOMITI yedare reParamende inoona nezvedzidzo yepuraimari nesekondari inoti dunhu reBulawayo rine vana vechikoro vakawanda vakaita pamuviri panguva yekunzi veruzhinji vagare kudzimba nekuda kweCovid-19 (lockdown) uye kana pakasatorwa matanho akakodzera, vanogona kutadza kunyora bvunzo dzavo izvo zvinokanganisa remangwana ravo.

Vachitaura apo nhengo dzekomiti iyi dzaitenderera dzichiona zvikoro zviri muBulawayo, sachigaro wayo, Muzvare Priscilla Misihairabwi-Mushonga vanoti vanoshushikana zvakanyanya nenyaya dzevanasikana vachiri pachikoro avo vakaitiswa pamuviri.

Vanoti kunyangwe zvazvo vasati vave nehuwandu chaihwo hwevanasikana ava, vane ruzivo rwekuti vakawanda vavo vane mimba uye ndokuti havafanirwe kuzvidya mwoyo nekuda kwemamiriro ezvinhu aya sezvo Hurumende yakadzika mutemo unotendera vanenge vaita pamuviri vachiri pachikoro kuti vaenderere mberi nedzidzo yavo.

Nhengo dzekomiti iyi dzakabvakachira zvikoro zvinosanganisira Mhali Primary School neMagwegwe High School izvo zviri murukisheni rweMagwegwe.

Mukuru wechikoro cheMagwegwe High anotsinhira kuti vanasikana vanomwe vemukirasi imwe chete havachaenda kuchikoro mushure mekunge vaita pamuviri kunyangwe zvazvo vari kufanirwa kunyora bvunzo.

PaMpilo Central Hospital, chinove chimwe chezvipatara zvikuru muguta reBulawayo, vanasikana vane makore ari pakati pe12 ne16 okuberekwa vanonzi pari zvino ndivo vane chikamu che30 percent chevanhukadzi vari kubara.

Bazi rezvemari yenyika nguva pfupi yadarika rakaisa padivi homwe yemari inosvika $123 miriyoni yekubatsira vanasikana vanenge vapihwa pamuviri vachiri pachikoro nekuvapanga mazano kuti vasashushikane mupfungwa.

“Iyi inyaya inoshungurudza muBulawayo kuti mune vana vakawanda vakaita pamuviri punguva yelockdown uye pakati pavo hapana akadzoka kuchikoro. Izvi zvinogona kudaro nekuda kwekuti havana ruzivo rwekuti vanokwanisa kuenderera mberi nefundo yavo vaine pamuviri kana kuti vanotya kuzosarurwa nevamwe uye vana ava nevabereki vavo havazive zvakare kuti vangaite sei nerusarura urwu,” vanodaro Muzvare Misihairabwi-Mushonga.

Vanoenderera mberi vachiti, “Taudza vakuru vezvikoro kuti varonde vana ava, kunyanya vari kunyora bvunzo kuitira kuti vanyore uye zvimwe zvinotevera zvinozoonekwa.”

Muzvare Misihairabwi-Mushonga vanoti panogona kunge paine vanasikana vakawanda vachiri kuenda kuchikoro asi vakaita pamuviri munguva yelockdown sezvo huwandu hwavo chaihwo husati hwave kuzivikanwa.

“Zvine huchenjeri kuti vakuru vezvikoro nevamwe vatungamiri vezvedzidzo vazivise veruzhinji kuti kana mwanasikana akaita pamuviri, ane kodzero yekuenderera mberi nefundo yake, kunyanya avo vanofanirwa kunyora bvunzo dzeO- neA-Level,” vanodaro.

Nhengo dzekomiti iyi dzaiongorora zvakare kana zvikoro zviri kutevedzera matanho ekudzivirira kutapurirana Covid-19.

“Takaona kuti vana vashoma vakakwanisa kuwana mukana wekuita zvidzidzo padandemutande neparedhiyo munguva yelockdown muBulawayo neMatabeleland South,” vanodaro Muzvare Misihairabwi-Mushonga. 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey