Cazorla akakurukura neAtletico Madrid

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

ATLETICO Madrid yakakurukura naSanti Cazorla kuti abve kuArsenal igomutenga pachapera mwaka wegore rino, sekutaura kwaGuillem Balague.

Shasha dzemuLa Liga idzi dzinonzi dziri kuda chaizvo kusimbisa chikwata chavo zvichitevera kukuvara kuri kuita vatambi vacho apo vari kurwira kuchengetedza mukombe weligi.

Svondo radarika, chikwata ichi chakange chisina Koke naArda Turan uye ndokukundwa 2-0 neCelta Vigo zvakaita kuti chive kumashure kweReal Madrid murwendo rwekurwira ligi.

Cazorla ari kupenya zvikuru kuArsenal umo ari kutambiswa pakati uye matambiro aari kuita zvichitevera kukuvara kwaJack Wilshere anonzi ari kutuma kuti chikwata chekuSpain ichi chide kumutenga.

“Asarirwa nemwedzi 18 pakondirakiti yake kuArsenal uye Atletico yakafonera vamiriri vake,” Ballague akadaro.

“Atletico inofunga kuti inogona kuwirirana nemutambi uyu kuti auye kuzoitambira. Chavo chete kungobhadhara mari inodiwa.

“Achange asarirwa negore rimwe chete pachapera ligi saka achange ave kukwanisika kutengeseka nemari shoma.”

Gaizka Mendieta anofunga kuti mutambi uyu, uyo akambotambira Malaga, angangoda kunotambira muligi reLa Liga uye anobva asimbisa chikwata chaDiego Simeone.

“Makazviona svondo radarika(apo Atletico yakakundwa neCelta Vigo) panodiwa mutambi anogona kumisa bhora opira vamwe,” Mendieta akadaro.

“Kana Arda Turan naKoke vasipo, Cazorla ndipo paanodiwa. La Liga anoiziva zvakasimba uye ichamufambira zvakanaka”.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey