Chabvondoka kuChibuku Super Cup

13 Oct, 2022 - 09:10 0 Views
Chabvondoka kuChibuku Super Cup Mukombe weChibuku Super Cup

Kwayedza

Abel Ndooka

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa svondo rino nemusi weMugovera neSvondo kunhandare yeMandava Stadium uko kuchatambirwa mitambo yeChibuku Super Cup semi-final.

Musi weMugovera kuchaona Black Rhinos ichitatsurana neBulawayo Chiefs kuchiti nemusi weSvondo kuchazosangana FC Platinum neHerentals College.

Achitaura nguva pfupi yadarika, murairidzi weBlack Rhinos (Chauya Chipembere) – Stanford ‘Stix’ Mutizwa – anoti gore rino nderavo rekuti vahwine mukombe uyu.

“Tiri kutarisira zvikuru mutambo watatarisana nawo neBulawayo Chiefs uye tinovimba kuti tichahwina nekuti tinoziva kukosha kwakaita mukombe weChibuku Super Cup.

“Patakapedzisira kusangana neBulawayo Chiefs, vakatikunda 1-0 asi mutambo uyu vanozviziva kuti taitamba tichiruma senyuchi. Saka svondo rino tichagadzirisa patakakanganisa mumutambo wedu navo wePSL tigovaumburudza, tifambire mberi kusvika kufainari,” anodaro.

Stanford Stix Mtizwa

Black Rhinos ichangobva kukunda Tenax 2-0 mumutambo wakatambirwa kuSakubva Stadium kuchiti Bulawayo Chiefs yakakundwa 1-0 neBulawayo City.

FC Platinum vs Herentals

Hondo yezvikwata zviviri izvi iri kuenderera mberi svondo rino zvekare zvichitevera kusangana kwazvakaita svondo radarika mumutambo wePSL. Mumutambo wePSL wakatambirwa kuMandava, FC Platinum yakakunda maStudents 1-0 saka svondo rino kunenge kusingadanwe anonzwa kuMandava Stadium sezvo murairidzi weHerentals svondo radarika akatsidza kuti ari kunyanya kukoshesa mutambo weChibuku Super Cup semi-final.

“Isu mutambo wesemi-final ndiwo watiri kukoshesa saka tichaongorora todzidza FC Platinum mumutambo wekutanga nekuti pasemi-final pachamhanywa. Mukombe uyu ndewedu,” anodaro Kumbirai Mutiwekuziva.

Kumbirai Mutiwekuziva

Kuchiti Norman Mapeza murairidzi weFC Platinum anoti mutambo kana wasvika kusemi-final panotoda kunyatsoshandwa nesimba.

“Kana tave kusemi-final, kunotoda kushandwa zvakasimba nekuti zvikwata zvese zvinenge zvichida kuhwina. Saka isu tiri kushanda nesimba kuti tigokunda mutambo wedu.

Norman Mapeza

“Hatidi kutarisira Herentals pasi nekuti yasvika apa kuburikidza nekushanda nesimba uye mwaka uno yakatambotikunda muligi saka tinofanirwa kuingwarira,” anodaro Mapeza.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey