Chabvondoka muChibuku Super Cup

26 Oct, 2023 - 21:10 0 Views
Chabvondoka muChibuku Super Cup Saul Chaminuka

Kwayedza

Abel Ndooka

KUNOTSVA demo kugosara mupinyi svondo rino nemusi weMugovera neSvondo apo zvikwata zvina zvinoti Dynamos, CAPS United, Black Rhinos neNgezi Platinum Stars zvichabandana musemi-final yeChibuku Super Cup.

Zvikwata izvi zviri kurwira kupinda mufainari yemutambo uyu iyo ichazoona chikwata chichahwina chichiwana tikiti rekunomirira nyika mumutambo weCAF Confederations Cup gore rinotevera.

Mumutambo wekutanga, uyo uchatambwa nemusi weMugovera, Black Rhinos ichisangana neNgezi Platinum Stars kunhandare yeBata Stadium, kuGweru.

Murairidzi weChauya Chipembere (Rhinos) – Saul Chaminuka – anoti chikwata chake chicharwa semvumba kuti chisimudze mukombe uyu.

“Isu hatisi kuita zvekutamba nekuti tiri kuda kusimudza mukombe uyu. Mukombe uyu ndewedu.

“Mutambo wedu watichatamba neNgezi Platinum uchange wakaoma chaizvo asi tinoziva kuti tichakunda nekuti matambiro atange tichiita mumutambo uyu ange achinwisa mvura.

“Saka tiri kutokunya zvakasimba nekuti tinoziva kukosha kwemutambo uyu, tese tasara tiri vana (4) mumutambo uyu tinoda tikiti rinouya neChibuku Super Cup rekuzotamba mumutambo weCAF Confederations Cup saka isu hatisi kuzosiya mukana uyu uchienda,” anodaro Chaminuka.

“Mitambo yemuAfrica yakakosha zvikuru nekuti patinofamba kuenda kune dzimwe nyika tine zvakawanda zvatinodzidza zvekusimudzira nhabvu uye zvimwe zvikwata pazvinouya kuno zvine zvazvinotodzidzawo,” anodaro.

Mutambo wemusi weSvondo uchaona makara asingaonane, Dynamos neCAPS United, zvichibandana kuNational Sports Stadium.

Genesis ‘Kaka’ Mangombe

Murairidzi weDeMbare – Genesis ‘Kaka’ Mangombe – anoti hakuna chikwata chinopinda mumutambo chichitarisira kukundwa.

“Svondo rino, hazvina kutomira mushe nekuti tiri kutodya magaka mambishi takatarisana nemutambo uyu. Patave apa hapachade zvekutamba uye isu tinoziva kuti Kepe-kepe mumitambo yadarika yange yave kusimuka saka tinofanirwa kuirongera.

“Chandinoziva ndechekuti hakuna chikwata chinopinda mumutambo chichitarisira kukundwa saka isuwo tiri kutoda kuhwina mutambo uyu uye tinoda kudzokera kumbotambira mumitambo yemuAfrica,” anodaro Mangombe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey