Chapeyama ozadzisa mashoko ake

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ray Bande —
MUTARE Polytechnic Vice Principal, VaHarris Chapeyama, avo vakagadzwa pachigaro ichi munaNyamavhuvhu gore rapera, vari kuzadzikisa mashoko avo ekuti vachashandisa hunyanzvi neruzivo rwavakawana mumakore adarika mukusimudzira dzidzo pakoreji iyi.

Vasati vave pachigaro ichi, VaChapeyama vaive murairidzi wezvidzidzo zvehorticulture uye vakazove chief warder anoona nezvevadzidzi paMutare Polytechnic.

VaChapeyama vane Masters in MED.Educational Management, Bachelor of Education in Agriculture, Diploma in Agriculture, Certificate in Education nezvimwe zvitupa zvedzidzo.

Vachitaura nezvekugadzwa kwavo, VaChapeyama vanoti vachashandisa hunyanzvi hwavo mukusimudzira dzidzo pakoreji iyi.

“Ruremekedzo rwukuru kugadzwa kuve Vice Principal wekoreji ino. Ndichashandisa ruzivo nehunyanzvi hwangu mukusimudzira dzidzo pakoreji ino. Ndinoda zvakare kubatsira Mutare Polytechnic kuti ifambirane nenguva munyaya dzekurairidza,” vanodaro VaChapeyama apo vakagadzwa pachigaro ichi gore rapera.

Kubvira apa, VaChapeyama vari kubatsira mukusimukira kweMutare Polytechnic.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey