Uncategorized

Chembere yekuba mombe yoshaikwa

30 Mar, 2021 - 17:03 0 Views
Chembere yekuba mombe yoshaikwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHEMBERE yekuBeatrice – iyo iri kupomerwa mhosva yekuruka zano rekunoba mombe kudanga revaridzi ichibatsirana nemuzukurukomana wayo ane makore 19 – yakatumirwa gwaro rekusungwa (warrant of arrest) zvichitevera kusadzoka kwayakaita kudare kuri kutongwa nyaya iyi.

Rosemary Mupingo (74) pamwe nemuzukuru wake Tendai Musonza, avo vanogara panhamba 4 Georgina Farm, kuBeatrice nguva yapera vakamiswa mudare reChitungwiza Magistrates Courts vachitongerwa mhosva yekuba mombe.

Musonza akatopihwa chirango chake chekugara mujeri kwemakore mapfumbamwe nemusi wa15 Kurume apo ambuya vake vasina kuuya kudare zvikaita kuti vatumirwe magwaro ekusungwa.

Mutongi munyaya iyi ndiVaTinashe Tashaya.

Muchuchisi Cecilia Mashingaidze akaudza dare kuti nemusi wa5 mwedzi uno, vaviri ava vakaenda kudanga remumhan’ari Fredrick Sadomba (56) riri paPlot 5, Georgina Farm, kuBeatrice.

Vakapinda mudanga ndokuba mombe imwe chete vachibva vanoisungurira kumusha wavo.

Varidzi vemombe vakaronda matsimba netsoka dzevanhu vainge vapinda mudanga iri achibva anovasvitsa pamba pevasungwa vaviri ava.
Vakakwanisa kusunga Musonza uyo akazodura ambuya vake vachibva vaenda kunoratidza vamhan’ari pamuti uri chinhambwe chemamita 100 kubva pamba pavo apo vainge vasungirira mombe iyi.

Mombe iyi inokosha $49 800,00.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey