Chevrons akunda USA

26 Jun, 2023 - 16:06 0 Views
Chevrons akunda USA Sean Williams

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons nhasi chakunda cheUnited States of America (USA) ne304 runs mumutambo wacho wekupedzisira wemuGroup A wekurwira tikiti rekuenda kuICC Men’s Cricket World Cup kunyika yeIndia gore rino.

MaChevrons ndiwo atanga kutamba (kubatter) mumutambo uyu uyo wavaona vachiita 408 runs mumaovers 50 pakangobuda vatambi vatanhatu chete, kuchiti USA yaita 104 runs ndokubuda vatambi vese apo yange yangotamba 25 overs chete.

Mumutambo uyu, mutambi wemaChevrons, Sean Williams atamba zvinodadisa izvo zvamuona achiita 174 runs angotamba mabhora 101 chete.

Iye zvino maChevrons ave kuenda kuSuper Six uko achanosangana nezvimwe zvikwata zvitatu zviri kubva muboka reGroup B.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey