Uncategorized

Chikwereti choda kumunyn’udza mujeri

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso

MURUME wekutadza kutevedza mutongo wakapihwa nedare wekuti adzorere $240 yemuridzi iyo yaakakwereteswa atarisana nekunodya refovhoro kwemwedzi mitatu kana akasabhadhara chikwereti ichi.Adam Mugota nguva yadarika akaendesa Allan Hundi (32) kudare reHarare Civil Court nekuda kwemari yaakamukweretesa achiti airamba kumudzosera.

Dare iri panguva iyi rakapa mutongo ndokutara nguva iyo Hundi aifanira kubhadhara chikwereti ichi izvo asina kutevedzera zvikaita kuti Mugota adzokere kudare.

“Mambo wangu, murume uyu ndakamuendesera magwaro airatidza kuti aifanira kunge apedza kubhadhara chikwereti changu chaainacho rinhi. Asi kusvika pari zvino haasati ambondipa. Anotonditumira mashoko parunhare achindisvotesa. Akandiudza kuti mari yangu ndaisazoiwana. Akanditi mari yangu aida kundipa asi haachada nekuti ndakamutyisidzira asi ini handina kumbomuvhundutsira, ndakangomubvunza.

“Kutaura kuno ane mota yaakanotora kuTanzania asi anondiudza kuti haaisi kuenda kubasa saka haana mari. Mota iyoyo akaitora nematombo here? Zvakare, iye anorarama nei, zvaanodya nezvaanopfeka zvinodonha mumhepo here? Ndiri kuda mari yangu, furusitopu,” akadaro Mugota.

Akati Hundi itsika yake yekukwereta mari asingazodzosere.

“Itsika yake yekukwereta mari asingadzoreri. Itsotsi remunhu, akatombotakurirwa midziyo yemumba inosanganisira firiji nechitofu nerimwe sangano rinonzi Zambuko mushure mekunge atadza kudzosera mari yaakatora,” akadaro Mugota.

Hundi akaudza dare kuti ari kutadza kudzorera mari yaMugota nekuda kwekuti haasi kushanda kubvira gore rapera.

“Handisi kushanda kubva gore rapera saka zvakandiremera. Ndiri kutochengetwawo namukoma vangu saka handigare ndega. Handitorina kana zuva chairo randingaudze dare kuti ndiri kudzosa mari asi mari yake ndinomupa,” akadaro.

Mutongi Yeukai Dzuda akati Hundi anofanira kupa Mugota mari yake yose achibhadhara $80 pamwedzi woga-woga kwemwedzi mitatu inotevera uye kukundikana kwake aizonodya refovhoro kujeri kwemwedzi mitatu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey