Uncategorized

Chimbwamupengo: Vet Services

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
NYANZVI inoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kumhuka kubazi reDepartment of Veterinary Services, Dr Chenjerai Njagu, vanoti zvinokwanisika kuti katsi ibatwe nechimbwamupengo (rabbies) izvo zvinokonzera kuti ipedzisire yave kuruma vanhu kana zvimwe zvipfuyo.

Mashoko avo anotevera nyaya yekatsi yekuDomboshava iyo inonzi yakamuka chibhebhenenga nguva yadarika ichiruma vanhu.

“Katsi iyi yatova njodzi kuvanhu uyewo tinoti vose vari kurumwa ngavakurumidze kunorapwa nekuti rabbies hairapike, inouraya. Danho guru kuidzivirira. Imbwa dziri kurwisana nekatsi iyi dzinofanirwawo kubaiwa majekiseni nenguva, vanhu voona kuti katsi iyi yauraiwa yonovhenekwa nemachiremba,” vanodaro.

Dr Njagu vanoti zviratidzo zvechirwere ichi zvinosanganisira kuita hasha kwechipfuyo, kusagadzikana nekupera simba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey