Uncategorized

Chipoko chopisa musha l Chichiridza redhiyo nekugeza muchimbuzi

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Chipoko chopisa musha l Chichiridza redhiyo nekugeza muchimbuzi Varume ava vaiona imba inonzi yakapiswa nechipoko. — Mifananidzo: Beauty Muchakazi

Kwayedza

Varume ava vaiona imba inonzi yakapiswa nechipoko. — Mifananidzo: Beauty Muchakazi

Varume ava vaiona imba inonzi yakapiswa nechipoko. — Mifananidzo: Beauty Muchakazi

MHURI ichangobva mukufirwa nemwanakomana uyo akanwa muchetura mubhuku raChakahwata, kwaSeke, yaoneswa ndondo nechipoko chemufi icho chinonzi chiri kumuka chichigeza muchimbuzi nekuridza redhiyo uye svondo rapera chakapisa imba yavo yekubikira.

Chipoko ichi chinonzi zvakare chinogwedebudza midziyo mumba apo redhiyo, iyo inenge yambodzimwa, inotanga kudandaura kurira.

Manenji aya ari kuitika pamba paMai Barbra Kunaka, avo vachangobva kufirwa nemwanakomana wavo, Sternford Kumanda (21).

Mukomana uyu anonzi akafira musango umo akanonwira muchetura nekuda kwenyaya dzake dzekuita mhirizhonga nevamwe idzo dzainge dzamhan’arwa kumapurisa ekuDema nevemumusha.

Sternford anga ari mubvandiripo pamusha apa, zvichireva kuti mwana akauya naamai vake vachibva kuMozambique kwavainge vakaroorwa ndokusvikorerwa nemushakabvu VaGeorge Chakahwata, avo vaiva murume waMai Kunaka.

Sternford, uyo ava nemwedzi avigwa, anonzi ari kumuka chipoko zvinova zviri kushamisa veruzhinji.

Svondo rapera, Mai Kunaka vakaramba kutaura neKwayedza pamusoro penyaya iyi apo vakarova bara vachitiza pamusha pavo.

Asi VaVincent Chakahwata (46), mumwe wehama dzemushakabvu uye vari sabhuku, vanotsinhira nyaya yechipoko chinonzi chabhebha ichi.

Vanotsanangudza vachiti: “Mukomana uyu akafa achiita zvekunwa muchetura apo takanomhan’ara kumapurisa tsika yake yekuti aiti akanwa doro orova vanhu. Izvozvi asvitsa masvondo mana avigwa, asi chipoko chake chinonzi chamuka, chiri kuenda kumba kwavo.

“Chinonzi chakapisa imba nezuro chaiye (svondo rapera). Akatoonekwa mufi uyu, asi nyaya dzinotaurwa dzakawanda sezvo zvichinzi amai vemufi uyu vakaenda kun’anga nekumaporofita vachida kunomumutsa kuti arwe kune vakamuuraisa. Ndipo pakazotanga kumuka chipoko ichi,” vanodaro sabhuku ava.

Mukoma wemushakabvu, VaAbel Chakahwata (50), vakatsinhirawo kuti munin’ina wavo ari kumuka chipoko.

“Tinonzwa kuti ari kumuka chipoko. Kumba uku kwakatotsva imba uye zvinonzi Sternford, uyo akafa tikamuviga, ndiye akaonekwa achipisa. Vanhu vari kutotiza kumba achinzi anouya achiti ndisiirei sadza zvamaiita ndiri mupenyu.

“Mutumbi wemufi wakanovigwa kwaBesa kumusha kwaamai vake,” vanodaro.

Vatori venhau vakaratidzwa dzimba dzakapunzwa magirazi emahwindo nechinonzi chipoko chaSternford uye chinonzizve chinotora midziyo yakaita semakomichi mumba ichinorasirwa muminda.

Chinonzi zvakare chinoonekwa chichigeza muchimbuzi, kuputa fodya nemwenje unovhenekera musha wose.

“Pazvakatanga, amai vepamba apa vaiingirwa kuimba yekurara, chipoko chichipwanya mahwindo nekutora midziyo. Vaitoona Sternford achifamba ndokumbotizira kuimba yekubikira uko chakazovatevera chikanopisa imba apo vanoti vakatanga kuona moto wakapinda mumba nechimiro chake, imba ndokuririma kutsva,” vanodaro.

Mwanasikana wepamba panetsa nechipoko apa, Faith Chakahwata (16), akatsinhira kuti mahwindo anopwanywa nechipoko uyewo nekuti imba yakangotsva mushure mekunge vaongoona moto uchifamba.

“Ehe, mukoma vakafa vachinwa poizeni apo vakamhan’arirwa kumapurisa. Asi pano pave kuonekwa moto, hamheno kuti chii,” anodaro Faith.

Mbuya Magarate Chakahwata (75), avo vanove amaiguru vemushakabvu, vanotiwo nyaya iyi inovashamisa zvikuru.

“Musha uyu ndewemunin’ina wemurume wangu. Amainini vakasvika kumba vachiti imba yavo yatsva nekuda kwechipoko chemwana, ‘mwana ave kumuka, apisa imba’.

“Ndakazovatuka ndichivatsiura nyaya yandakanzwa yekuti vakaenda kun’anga nekumaporofita zvatinoti ndizvo zvava kukonzera izvi,” vanodaro Mbuya Chakahwata.

“Izvozvi pane machira matsvuku akaiswa pakafira Sternford ayo anonzi akanyorwa mazita evanhu. Izvi zvaitika, ndipo pakatanga kumuka chipoko ichi.”

Mitchel Maramani (22), uyo anoroja pamusha pevabereki vemushakabvu, anotiwo:

“Chipoko chiri kumuka zvedi, hapasi kugarika pano. Ndine kumuporofita kwandinorapisa mwana wangu nhova kuWaterfalls (muHarare) uko ndakaenda naamai vemushakabvu vakanopihwa mhiko dzekumutsa mwana wavo. Patakadzoka vakanzi vatenge jira dzvuku iro vakazonosungirira kwakafira mwana wavo nerimwe ravakakanda muchimbuzi. Kubva ipapo chipoko chakabva chatanga kumuka,” anodaro Maramani.

“Pamba pano hapasi kugarika. Maketeni akatanga kubviswa nemunhu watisingaone uyewo makapu achitorwa tichiona achikandwa mumunda asi pasina chinopinzika.

“Patakadzoka kumuporofita takasvikowana mukicheni mabikwa rice nemunhu watisina kuziva. Izvozvi mukabika nyama mupoto inodyiwa kosara muriwo chete. Ivo amai (Mai Kunaka) vave kusiya sadza mumba nemuriwo zvechipoko ichi.”

Mai Kunaka vanonzi vakanotora ivhu repakafira mwana wavo vakaenda naro kumuporofita uko rakanogadzirwa rikasungirwa pajira dzvuku iro vakanosungira paakafira.

Lucky Chakahwata (31) anotiwo anotoona Sternford achifamba, dzimwe nguva achiputa fodya nekubvira moto.

“Chipoko ichi chinouya kubva kwakafira Sternford choenda nekubindu kwake kuita matower lights chaiwo. Unonzwa pano pachiridzwa redhiyo zvakaomarara nechipoko ichi, huni dzichityorwa. Pamba apa hapasi kurarwa, ini ndinozviona nekuti dzimba dzedu dzakavambirana,” anodaro Lucky.

Mai Abigail Chakahwata Mahute (47) vanove muroora kumhuri iyi vanoti vakanzwa amai vemufi vachiti vaida kuenda kuChipinge kunomutsa mwana wavo kuti arwise oga.

“Mukomana uyu asati afa, pamba apa pakaitwa choto nemapositori muchakabvu uyu akadzima moto vakarwisana achiramba kuti paitwe charara,” vanodaro.

Sternford anonzizve akasiya ati mbatya dzake dzisagovewe kana afa.

Loraine Mazhina (20) anogara pamba apa anoti munhu wose anogarapo akageza mvura yaive machira akabva kumaporofita emuteuro vachinzi zvaiva zvekuti mufi amuke, machira aya achibva azokandwa muchimbuzi.

“Munhu wose pano akageza mvura yaiva mumachira maviri eyellow nered maiva nemuteuro wekunzi mufi amuke,” anodaro Mazhina.

Mai Kunaka havana kuda kutaura neKwayedza uye pakasvika vatori venhau vari pamba pavo, vakabva vatanga kutiza vachipopota.

“Ndakaurairwa mwana wangu nevanhu vekwaChakahwata nhasi chabvondoka. Handidi kutaura nemi, ndimi vanaani?” vakadaro vachimhanya.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti vanoda nguva yekutsvaga mafambiro akaita nyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey