Uncategorized

Chitungwiza: guta risinganwiwe mvura

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Mwedzi miviri pombi dzakaoma l Painouya inenge yakasangana nesuweji l ‘Kanzuru iri kutibira mari dzedu’

DAMBUDZIKO rekushaikwa kwemvura radzika midzi muChitungwiza izvo zvotuma vagari veko kuti vapedzisire vave kushandisa mvura ine tsvina yemumatsime nemuhova izvo zvine njodzi huru kuutano hweveruzhinji.

Kwayedza svondo rino yakaita ongororo muguta iri ndokuona vanhu – zvikuru vanhukadzi nevana – riri besanwa kutsvaga mvura kuzvibhorani zvishoma zviri kushanda, kumatsime asina kuchengetedzwa nekunzizi netukorodzi.

Vamwewo ndivo vaichera mvura yakasviba mumapani iyo inenge yakasangana nesuwenji inobva mumapombi anongoputika pamadiro kunyanya mumisha yakaita seSt Mary’s.

Kune vamwe vanhu vanoti vari kurara vari pamitsitse pazvibhorani izvo zvinovaisa panyatwa yekubhinywa kana kupondwa nematsotsi sezvo dzimwe nguva kunenge kuine rima.

Muzvikoro, vana vave kukurudzirwa kutakura zvigubhu zvemvura unova mucherechedzo wekuti dambudziko iri radzika midzi.

Mimwe misha yekuChitungwiza iri kuita nguva inodarika mwedzi vasina mvura yemupombi asi mitero vachibhadhara kukanzuru.

“Tatove nemwedzi miviri tisina mvura muno. Tinotopona nemvura yemumatsime, asi nekuda kwekupisa uku, matsime acho ava kupwa. Ndiko kusaka muri kuona vanhu vakawanda kudai pachibhorani chino icho chakacherwa neveUnicef mugore ra2008 mushure mekunge nzvimbo ino yaita dambudziko rechirwere chekorera,” vanodaro Mai Fadzai Chiseko (35) vekuUnit O.

Vanoti kana zvakanaka, vanowana mvura yemupombi kamwe chete kana kaviri pamwedzi.

“Zvimbuzi zvedu hazvichapindika nekuda kwekuti zvazara netsvina. Tiri kushaya mvura yekunwa, yekugeza, kuwacha neyekushandisa muzvimbuzi.

“Asi zvakadaro, kanzuru haisi kumbomira kuunza mapepa emari dzemvura asi isu tisiri kuwana mvura yacho. Muraini muno makatoshaya madzimai maviri nemwana nekuda kwemanyoka.

“Saka isu zvave kutityisa nekuti hatisi kuziva kuti ikorera here kana kuti manyoka erudzii anyuka muno uye kuti zvichapera sei,” vanodaro.

Mai Elizabeth Ncube (40) vekuUnit P vanotsinhira nezvedambudziko remvura vachiti pamwe pacho mvura yemupombi inobuda yakasviba.

“Painozouya mvura yemupombi, kazhinji kacho inenge ichinhuhwa suweji, iine ngura zvekuti hainwike kana kuwachisa mbatya. Taona moto nemvura, sesu tine vana vanopfeka manapukeni.

“Vana vapera kurwara nemanyoka. Kudai tachererwawo zvibhorani zvakawanda pamwe tingabatsirikana,” vanodaro.

Mugari wemuZengeza 4, VaJames Ruwizhi (49), vanotiwo vamwe vanhu vave kutotora mukana wekushaikwa kwemvura vachiita bhizimusi nayo.

“Panguva iyo vanhu tiri kunetseka mvura kudai, vamwe vari kuita mari nekuhaiwa vachinochera mvura nengoro apo bhaketi (mugomo) rinoitwa $0,50. Vamwewo vave kubhadharisa mvura dzemumatsime avo.

“Kana iyo mvura yemuzvigubhu inotengeswa iya, haisi yekutenga pose-pose nekuti vamwe vave kungonhonga zvigubhu vachiisa mvura dzemumatsime asina kuchengetedzeka, votengesa. Ndiko kusaka manyoka asiri kupera,” vanodaro.

Mai Shuvai Kanyepi (36) vanoti kanzuru yavo iri kuvabira sezvo vari kubhadhariswa mari yemvura inogara isipo.

“Kanzuru iri kutibira pachena nekuti tiri kubhadhariswa mvura yatisiri kuwana. Kana dambudziko remvura rikasagadziriswa nenguva, ndinoona vanhu vachipera kuita manyoka,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey