Uncategorized

‘Chitunha chemwana chakavigwa muhozi’‘. . . chiri kushandiswa nemishonga’

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
‘Chitunha chemwana chakavigwa muhozi’‘. . . chiri kushandiswa nemishonga’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MWANA mukomana wemubhuku raNyadema, mudunhu raMambo Mangwende kuMacheke —uyo akangotsakatika mugore ra2013 -ava kunzi akapondwa, mutumbi wake ndokuiswa muhozi yeimwe mhuri, umo wakasandurwa kuita mushonga uri kushandiswa sedivisi rekurima.

Farai Pise anonzi akanyangarika aine makore 13 okuberekwa apo aishanda semufudzi wemombe pane mumwe musha weko.

VaInnocent Choto

VaInnocent Choto (39), avo vanova sekuru vaFarai, vanoti zvinorwadza kuti kubva mugore ra2013 kusvika izvozvi, havazive kuti muzukuru wavo mupenyu here kana kuti akafa.

Mai Beauty Godzi

“Mwana uyu ndisu taimurera pano sezvo baba vacho tisina kuvaziva. Hanzvadzi yangu iyo yakashaika mugore ra2002 ndiye akamitiswa ndokusiya mwana uyu. Ndakazongofonerwa ndichiudzwa kuti mwana uyu ashaikwa uye kusvika nanhasi hatina kana kuona mutumbi wake, kana kunzwa kuti akaendepi,” vanodaro.

Farai anonzi akashaika apo aigara naambuya — amai vaamai vake — Mbuya Ruth Gunda (69).

“Takaedza kutsvaga mwana uyu kubva musi waakashaikwa — musi wa26 Ndira 2013 kusvika nanhasi uno — asi hatina kumuwana.

“Kumaporofita nen’anga kwatinofamba tinoudzwa zvakasiyana. Kwakawanda kwacho tinonzi mupenyu uye achauya. Asi kumuporofita mumwe chete wemuno, anotiti mwana uyu akapondwa mutumbi wake ukaiswa mudura memurimi. Anonzi akapindurwa nemishonga uye anopihwa sadza achienda kunosakuriswa husiku,” vanodaro VaChoto.

Mudzimai wavo, Mai Beauty Godzi (38),  vanotiwo mwana uyu akaenda kumba kwaVaRobert Muredzwa (62) paKirisimasi ya2013 uko aishanda achifudza mombe.

“Asvikako, anonzi akanzi naVaRobert Muredzwa adzoke kumba, asi haana kuzosvika kumba kwacho — akananga kunhandare yebhora uko kwaitamba vamwe vana sezuva reKirisimasi. Akadzoka kumba apo pakazonzi mombe dzekwaMuredzwa dzakarasika, vakazomukira kunotsvaga mombe idzi nemusi wa26 Zvita asi vakadzishaya.

“Vakazodzokera kunotsvaga mombe idzi aina Tafadzwa Choto apo vakazopesana rikava zuva rekupedzisira kuona Farai, asi Tafadzwa akadzoka oga,” vanodaro Mai Godzi. Vanoti vakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa vachiti vainge vashaya mwana wava musi wa27 Zvita 2013.

“Murume wangu akamhan’ara kumapurisa ekuHeadlands achibva nekuHwedza ndokuendesawo mashoko kwasadunhu vedu, VaRobert Mukuze. Mazuva aya mvura yainaya zvikuru apo taitsvaga mwana nehusiku,” vanodaro Mai Godzi.

Zvinonzi kune vamwe vanhu vanoti vakagumisira kuona Farai achiti aitsvaga mombe. VaMunemo Kundishora (52) — avo vanova sahwira wemhuri yekwaChoto — vanoti Farai paaitsvaga mombe, akadarika nepamunda pavo ivo vakatotaura naye.

Zvino mhuri yekwaChoto inoti iri kushungurudzika nemashoko anoti mutumbi wemwana uyu uri mudura reimwe hozi mumusha umu, umo uri kushandiswa nemishonga sedivisi rekurima.

“Kune muporofita akauya mumusha muno, Madzibaba Byson, akataura kuti mutumbi waFarai uri muhozi umo anopihwa sadza achisakuriswa muminda zvinoita kuti murimi uyu akohwe zvikuru,” vanodaro Mai Godzi.

VaMuredzwa — avo vane mombe dzinonzi dzaitsvagwa nemwana uyu paazoshaikwa — vanotiwo mashoko ekuti mutumbi waFarai wakachengetwa muimwe hozi vanongoanzwa. Vanoti vakamirira kuti muporofita ari kutaura izvi aende kunoburitsa mutumbi waFarai muhozi iyi sezvaanotaura, asi izvi hazvisati zvaitika.

VaChoto vanotsinhirawo kuti muporofita uyu akati mutumbi wemwana uyu uri muimwe hozi yemusha uri mubhuku iri.

“Muporofita uyu akati mutumbi wemuzukuru wangu uri muhozi ya(zita tinaro) umo anonzi anoshandiswa kurima. Muporofita uyu takamuti tiende naye kumba kwevanhu ava iye akati aizozviita rechimangwana racho.

“Pazvakataurwa, mhuri inonzi ine mutumbi uyu yaitova pamhomho yevanhu vainge vakaungana pano. Asi kusvika nanhasi, takangomirira kuti muporofita uyu auye, tiende anoburitsa mutumbi waFarai muhozi maanotaura,” vanodaro. VaMuredzwa vanotsinhira kuti Farai aivafudzira mombe uye kuti ivo ndisahwira kuna ambuya vemwana uyu.

“Mwana uyu ndakagumisira kumuona uri musi wa25 Zvita 2013 ndokuzonzwa kuti angoshaikwa. Takatsvaga tose mwana uyu kusvikirawo nanhasi tine shungu dzekuti awanikwe.

“Nyaya yekuti ari muhozi meimwe mhuri yakataurwa iniwo ndiripo nemuporofita anonzi Madzibaba Byson. Asi musha unonzi mwana uyu ari muhozi tinouziva tose kuti hauna hozi, hatizive kuti hozi inotaurwa iyi iri kupi,” vanodaro VaMuredzwa.

Mai Easter Muredzwa

Mudzimai wavo, Mai Easter Muredzwa (59), vanotiwo: “Mbuya vemwana uyu vakandisora husahwira, ndokusaka tainge tamutora kuti atishandire.

“Mombe yavo yekutanga ndisu takavapa pasina kana cent vakazobhadhara zvishoma nezvishoma. Tinonzwanana navo zvikuru.”  Vanoti musi washaikwa Farai, ivo vaitopemberera motokari yemwana wavo.

“Kushaikwa kwemwana uyu kunototirwadza. Hatimbozorora kufunga dakara taziva chaizvo zvakaitika kwaari,” vanodaro. Mbuya Gunda vanotsinhirawo mashoko ekuti mutumbi wemuzukuru wavo unonzi uri muhozi meimwe mhuri.

“Tapedza mari nekuenda kudzin’anga nekumaporofita tichinobvunzira. Vamwe vanoti mupenyu achauya, asi muporofita mumwe chete ndiye anoti akapondwa, mutumbi wake ukaiswa muhozi.

“Saka takamirira kuti muporofita uyu adzoke atiratidze chaipo pane mutumbi wacho. Asi dzimwe pfungwa dzangu dzinoti zvichida mwana uyu akawira murwizi rwaShavanhohwe, kwete izvi zvekungofungirana. Daika tachiwana mapfupa ake toziva paakafira, tosununguka,” vanodaro Mbuya Gunda.

Madzibaba Byson wechechi yeJohane Masowe Jerusarema anonzi ndiye ari kuti mutumbi waFarai wakachengetwa mudura, muhozi yeimwe mhuri. Zvisinei, muporofita uyu haana kuonekwa neKwayedza payakasvika munzvimbo iyi.

Asi VaWilliam Matenga (73), avo vanogarawo mubhuku iri, vanoti semaonero avo, nyaya iyi yakangonanga kusvibisa dzimwe mhuri nekudzinenera zvinogona kunge zvisipo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey