Chokwadi matiregerera: Muzongondi

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Chokwadi matiregerera: Muzongondi Felistas Muzongo

Kwayedza

KAPUTENI wechikwata chenhabvu chenyika chemadzimai chemaMighty Warriors, Felistas Muzongondi, ari kutsutsumwa zvikuru nekuda kwemafambiro egadziriro dzavo dzekuenda kunokwikwidza kumutambo weAfrican Women Cup of Nations uyo uchatambirwa kuCameroon mwedzi uno.

Mutambo uyu uchatanga musi wa19 Mbudzi uchizopera musi wa3 Zvita.

Kusvikira svondo rino, chikwata ichi change chisati chatanga gadziriro dzacho nekuda kwekushaikwa kwemari.

Masangano akasiyana akazopindira achivimbisa kubatsira muzvirongwa zvakasiyana panguva iyo sangano rinoona nezvenhabvu munyika reZimbabwe Football Association riri kuti panodiwa US$300 000 kuti chikwata ichi chiite gadziriro dzacho pamwe nekuenda kunokwikwidza kuCameroon.

Zvakadaro, Muzongondi anoti chikwata chavo hachizi kufara nemafambiro ari kuita zvinhu sezvo gadziriro dzavo dzinofanirwa kunge dzakatanga kare.

“Handimbonyepi, nyika yose yakatirasa kuticheuka chaiko, rubatsiro rwave kumhanya-mhanya kutsvagwa iye zvino?

“Zvingadai zvakaitwa kare, iye zvino tave kuita gadziriro dzedu.

“Zvisinei, tinotenda hedu kuti makambani akasiyana ave kumhanya-mhanya kuti tsvagira mari yekuti tiende kumutambo iyi kunokwikwidza takasununguka,” anodaro.

Muzongondi anoti chikwata chavo chatojaira mamiriro ezvinhu akadai sezvo vagara vachibatwa nekunze kweruwoko kunyangwe hazvo vachidadisa mumitambo yavanokwikwidza.

Mwedzi yadarika, maMighty Warriors akaenda kunokwikwidza kumitambo yeRio Olympics kuBrazil uko vazhinji vaitarisira kuti achanoita zvakanaka asi akazokundwa mitambo yayo yose.

Muzongondi anoti kunyangwe zvinhu zvakaoma, chikwata chavo hachisi kuzorasa tariro uye chichaenda kuCameroon nechinangwa chekunohwina chete kwete zvimwe.

“Hatina kumbobvira tarasa tariro pazvose zvaiitika, takazvipira mubasa redu uye tinovimba kuti zvose zvatinoshuvira zvichazadzikiswa. Patinoenda kuCameroon, tichanohwina.

“Kuda zvimwe vamwe vanhu havatarisire zvakawanda kubva kwatiri asi isu basa redu tinoriziva uye zvatinoda tinozviziva saka tichaenda kuCameroon kunobata basa sebasa.

“Pazvaiitika zvose izvi hatina kumbobvira taramwa, tanga takangozvipira tichiziva kuti tichaenda chete kuCameroon,” anodaro Muzongondi.

Sachigaro wekomiti yakagadzwa kutsvagira maMighty Warriors mari yekuenda kuCameroon, Lilian Mubaiwa weOld Mutual, anokurudzira nyika yose kuti ibatane mukubatsira chikwata ichi kuti rwendo rwacho rwekunomirira Zimbabwe kuCameroon rwuve nyore.

Komiti yavo, anodaro Mubaiwa, ine basa guru nekudaro iri kumhanya-mhanya zvakasimba kuitira kuti zvinhu zvive mugwara.

“Kubvira nekubvira maMighty Warriors ange achingotidadisa asi rutsigiro vange vasina, yasvika zvino nguva yekuti tibatane senyika tivabatsire vaende kuCameroon.

“Tikabatana senyika zvinoitika uye komiti yedu ine zvirongwa zvakawanda chaizvo izvo tinoona kuti zvichabatsira mukutsvaga US$300 000 inodiwa yemaMighty Warriors,” anodaro Mubaiwa.

MaMighty Warriors akaiswa muboka rekutanga kumitambo iyi reGroup A umo achasangana neCameroon, South Africa neEgypt. Mumutambo wavo wekutanga musi wa19 Mbudzi, chikwata cheZimbabwe chichasangana neSouth Africa kunhandare yeStade Ahmadou Ahidjo kuYaounde.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey