Uncategorized

City Parking yovhara makomba akacherwa nekanzuru

27 Aug, 2021 - 15:08 0 Views
City Parking yovhara makomba akacherwa nekanzuru

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI inoshanda nekanzuru yeHarare, yeCity Parking yatanga basa rekuvhara makomba ari munzvimbo dzinopakwa motokari neveruzhinji kumicheto yemigwagwa ayo makore mashoma adarika ainge ambocherwa nekusimwa miti nekanzuru imwe chete iyi.

Veruzhinji vari kuona izvi zvichiitika vari kushamisika kuti kana painge pamboitwa chirongwa chekusima miti, pakashandiswa mari yekuzviita, chashata chii chava kuita kuti makomba mamwe chete aya avharwe.
Miti iyi yakasimwa nekanzuru mugore ra2010.

Nhasi Kwayedza yaona vashandi veimwewo kambani vari mubishi kuvhara makomba aya mumugwagwa Sam Nujoma umo mainge makambosimwa miti yemu”croton” asi ikazongopera kuoma nekushairwa hany’a.
Makomba ainge akasimwa miti iyi ari kumicheto yemugwagwa uyu.

Mutauriri weCity Parking, VaFrancis Mandaza vanotsinhira kuti vari kuvhara makomba aya asi vari kutozvinzwa kekutanga kuti ainge akambosimwa miti nekanzuru yeHarare.

“Zvekuti painge pakadyarwa miti mumakomba imomo ini hangu handizvizive. Chandinoziva ndechekuti City Parking iri kuvhara makomba mumigwagwa yose muHarare. Basa iri taritanga mumugwagwa Sam Nujoma kusvika kunaKaguvi Street,” vanodaro.

Panyaya yemiti yainge yakasimwa mumakomba aya, vanoti vachiri kuita ongororo yekuti yainge yakadyarwa nekanzuru here.
Asi pashanyirwa ongororo nevatori venhau yemugwagwa uyu – uyo unodarika nepamahofisi eKwayedza – vamwe vevashandi vekambani iri kuita basa iri vanoti mimwe miti vakaitsindira pasi uye mimwe yakatsikwa nedzimotokari pakupaka.
Mutauriri weKanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vanotiwo, “Nyaya iyoyo taurai naVaMandaza kuCity Parking, ndivo vanoziva zvizere nezvazvo.”

VaMandaza vanoti basa ravari kuita “kuvhara mapot-holes” asi ndokuudzwa nemutori wenhau uno kuti hakuna ma”pot-hole” akadaro – akanyatsocherwa zvakafanana ndokutaramutswawo zvinoenderana uye ose ari kumucheto kwemugwagwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey