Uncategorized

Coronavirus yatirova: Mafundisi

11 May, 2020 - 00:05 0 Views
Coronavirus yatirova: Mafundisi Archbishop Chimukoro

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAFUNDISI nevamwe vakuru vemachechi vanoti kunyange zvavo vachitsigira chirongwa chekudzivirira nekurwisa chirwere chatekeshera pasi rose cheCovid-19, zvinhu kwavari zvasvika pakanyangara sezvo vasisina chekurarama nacho apo vanamati vasiri kuenda kumachechi uko vanofanirwa kunge vachibvisa mari dzemupiro nedzechegumi nezvimwewo zvipo.

Mukuru  wechechi yeThe Bowel of Christ Ministries iyo inonyanya kuzivikanwa seThe BOC Ministries iine muzinda wayo kuRugare, muguta reHarare, Archbishop Christopher Chimukoro (38), vanoti zvinhu hazvisisina kuvamirira zvakanaka sevakuru vedzisvondo sezvo vasisina chekubata kudzimba dzavo.

“Hongu tiri kutevedzera zvose zvatiri kunzi tiite neHurumende senzira yekurwisa denda reCovid-19, hatisi kuungana kumachechi sezvatinosiita. Zvose zvehutsanana tiri     kuita.

“Asi nyaya hombe pasina kunyarana ndege kuti tafa nenzara. Mari Dziva dzeMupiro kana yechegumi haisi kuuya nekuti vanhu havasi kuuyawo kuchechi zvakare ivowo vanamati vedu zvakatovaomerawo nekuda kwemamiriro ezvinhu,” vanodaro Archbishop Chimukoro.

Vanoti sevatendi, vane nhaurirano dzavanoita munharembozha nekushandisa mamwe madandemutande mukunamata nezvimwe, asi vanoti izvi hazvisi kuita kuti vatenderi ava vatumire mari kumafundisi avo kana kune vamwe vakuru vemachechi.

“Ehe, tinofonerana nekutumirana mashoko paWhatsApp kana mumaEmail nekushandisa dzimwe nzira dzechizvinozvino, asi izvi zvakasiyana neknge vanhu vachiuya kumachechi nekuti pane nguva yezvipo kureva kuti munhu wose anotouya akagadzirira mari yekukanda semupiro. Izvi zvakasiyana nekufonerana, isu sevakuru vemachechi tinonyara kuzotaurira vatenderi panhare kuti taakufa nenzara,” vanodaro Archbishop Chimukoro.

Vanoti vamwe vakuru vemachechi vave kutongorarama nenyasha sezvo vachiti zvinhu zvavaomera kusvika pekupedzisira.

“Taomerwa kutaura chokwadi. Kungoti hapana zvatingazviite nekuti ndizvo zvazviri. Kunyengetera tiri kufambira mberi zvedu tichitarisa kuti chirwere ichi dai chadarika. Tava kutorarama nenyasha chaidzo asi tinoti kuwana kana kushaya, isu tiri kufambira mberi neshoko tichinamatirana padzinhare, vanhu vachitopona,” vanodaro.

Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeRedeemed Christian Fellowship Ministries (RECFEMI), vanoti ichokwadi zvinhu hazvina kumira zvakanaka kumafundisi nemaporofita.

“Mutemo wekuti vanhu tisaungane kumachechi kwedu zvakangofananawo nemamwe magungano ose hazvina kuipa. Asi chokwadi ndechekuti zvakangofananawo nevamwe varidzi nevakuru vemakambani, mari hakusisina. Chegumi hachisi kuuya nemari dzemipiro dzacho hakuna. Tiri kushandira zvedu vanhu tichivanamatira panhare, nekudaro pavanhu ivava, vamwe vanotenda kuburikidza nemari yemumhepo asi hazvizofanana nekunge vanhu vachiuya kuzoshandirwa kuchechi,” vanodaro Pastor Muchefa.

Vanoti havasi kumira kushandira vanhu panhare sezvo vachiti vakawanda vari kuponeswa.

Madzibaba Enock vemuHarare vanotiwo ichokwadi kuti zvinhu zvaomera vatungamiri vemachechi.

“Tiri kunamatira hedu kudzimba semutemo wakadzikwa kuti tisaungane, hatipikisane nehutungamiri. Asi chokwadi chiripo ndechekuti tafa nenzara nekuti iwe semukuru wesowe kana wechechi, unowana mari kubva kuvanamati vepachechi pako nezvipo kana kungotendawo Nechegumi. Tiri kungofambirawo hedu mberi nekubatsira vanhu panhare apo pasina chinouya chinooneka nekuti munhu kana uchionana naye anonyara pane kutaura panhare,” vanodaro Madzibaba Enock.

Madzibaba Mateo vemuHarare zvakare vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kumachechi vachiti mamwe mafundisi nemaporofita vava kuita sevachafa nenzara.

“Zvakaoma kumachechi uku. Mamwe mafundisi nemaporofita vakatotizira kumisha uko vari kuchengetwa nevabereki nehama nekuti muhomwe hamusisina chinhu,” vanodaro.

Vose vakuru vemachechi vakataurwa navo neKwayedza ava vakangobata divi rekuti zvinhu zvavaomera panyaya dzekuchoboka mari nekuda kweCovid-19, asi hapana akagona kutaura kana kuoneswa sezvavanoti vanoita, kuti chirwere ichi vakatadza nei kunge vachipihwa mumweya uye kuti chichapera rinhi uye zvadini.

Pamadandemutande nedzimwe nhepfenyuro, vamwe vakuru vemachechi vari kubudapo vachikurudzira vanamati kuti vabvise mari vachitoburitsa nhamba dzekuti mari idzi dziiswe.

Nekune rimwewo divi uye risinei nevakuru vemachechi vari munyaya ino, veruzhinji vagara vachinyunyuta pamusoro pevakuru vemamwe machechi avo vanonzi vari kususukidza kuita mari vachishandisa zita raMwari asi pasina kunamata kunonyatsoonekwa.

Kune mafundisi, maporofita pamwe chete nen’anga avo vari kuzosungwa kana kupomerwa mhosva dzekumbunyikidza sekubhinya vanhukadzi vavanenge vachiti vari kubatsira. Vamwe vanopomerwa kuba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey