Covid: Harare iri pamusoro

15 Dec, 2021 - 16:12 0 Views
Covid: Harare iri pamusoro Senator Monica Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

DUNHU reHarare pari zvino ndiro rine vanhu vakawanda vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 richiteverwa neMashonaland East, Mashonaland West kwozouya Bulawayo.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti denda iri richirimo munyika muno nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekudzivirira kupararira kwwaro.

“Nzvimbo dzakave nenyaya itsva dzakawanda dzechirwere ichi dzinosanganisira Harare (8 363), Mashonaland East (3 546), Mashonaland West (2 992) neBulawayo (2 670). Huwandu hwenyaya dzedenda iri muzvikoro hwakakwira kuenda pa1 526 kubva pa1 086 svondo radarika,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti varwere vari kupora kuCovid-19 munyika ino yose chikamu che78 percent.

“Huwandu hwevanhu vakabatwa nechirwere ichi musvondo ratiri kutaura nezvaro hwakakwira kuenda pa28 904 kana zvichienzaniswa ne5 055 vhiki radarika pamberi. Nyaya dziri pakati nepakati dzinosvika 4 014 dzevanhu vaibatwa nedenda iri pazuva dzakawanikwa kana zvichienzaniswa ne723 svondo rapera pamberi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zvisinei, huwandu hwevanhu vari kufa hwakadzikira kuenda pa2.9 percent musvondo iri kubva pa3.4 percent vhiki rapera pamberi. Zvirongwa zvedziviriro zviri kuitwa zvakadai sekubaiwa kwevanhu nhomba zviri kubatsira zvakanyanya kudzikisa kupararira kwehutachiona uhu.”

Sen Mutsvangwa vanoti zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa, Hurumende iri kutora matanho ekudzikamisa mamiriro ezvinhu aya.

Matanho aya anosanganisira kuti mapazi ose eHurumende haachaita misangano yebasa vanhu vakatarisana asi kuti yave kuitwa kuburikidza nedandemutande.

Vanhu vemunharaunda vanokurudzirwa kuti varambe vachitevedzera zvizere matanho akudzivirira chirwere ichi.

Matanho ekurwisa denda iri ange aripo awedzerwa nemamwe masvondo maviri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey