‘Covid ichiriko, regai kurivara’

24 Oct, 2021 - 13:10 0 Views
‘Covid ichiriko, regai kurivara’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rinokurudzira veruzhinji kuti vasavarairwe asi kuti varambe vachitevedzera matanho ekudzivirira Covid-19 zvisinei nekunyevenutswa kwemitemo yekurwisa chirwere ichi kubva paLevel 4 kuenda paLevel 2.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa chemutambo wegorofu we2021 NAC Pro-AM Golf Tournament uyo wakaitwa nemusi weChishanu muHarare senzira yekurwisa HIV munyika pamwe nezvirwere zvakaita segomarara neCovid-19, chamangwiza weNAC – Dr Bernard Madzima – vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachizvidzivirira kubva kuchirwere chedziwamupengo ichi.

Mari yakawanikwa kuburikidza nemutambo uyu ichapihwa kusangano reKidzCan iro rinobatsira kurwisa zvirwere zvegomarara kune vechidiki.

“Zvisinei nekuti mimwe mitemo yelockdown yakanyevenutswa, tinoramba tichiyambira veruzhinji kuti vatevedze zvisungo zvakatarwa neHurumende pamwe chete sangano reWorld Health Organisation (WHO) mukudzivirira Covid-19 nekuti chirwere ichi chichiriko. Zvakakosha kusaungana uye kukoshesa kubaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi,” vanodaro.

Dr Madzima vanoenderera mberi vachiti, “Hakasi kekutanga tichiita mitambo yegorofu asi kuti yatova mitambo yepagore uye donzvo redu regore rino nderekurwisa zvirwere zvegomarara. Zvisinei nekuti HIV neAIDS idambudziko guru munyaya dzeutano, tinofara kuti kune shanduko mukuderera kwehutachiona nekuda kwekuwanikwa kwemishonga yemaAnti-Retroviral Drugs.”

Dr Madzima vanoti ongororo yakaitwa neZimbabwe Population Based HIV Impact Assessment and the Global AIDS Report inoratidza kuti Zimbabwe yakabudirira kuzadzikisa zvinangwa zve90-90-90 zvegore ra2020 zvekurwisa denda iri zvinoratidza kuti mikana iripo mikuru yekupedza AIDS panozosvika gore ra2030.

“Budiriro iyi yakavapo nekuti takawanisa vanhu vakaonekwa vaine hutachiona hweHIV mishonga zvinoita kuti vakwanise kurarama kwenguva refu. Zvakaonekwawo kuti vanhu vane HIV vane mikana yekubatwa nezvimwe zvirwere zvisina zviratidzo segomarara rinova riri kuuraya vanhu vanodarika 8.8 miriyoni pasi rose pagore.

“MuZimbabwe, vanhu vanodarika 6 000 vanobatwa nezvirwere zvitsva zvegomarara gore negore uye gomarara rechibereko richitora chikamu che35 percent pakati pedzimwe mhando dzemagomarara,” vanodaro.

Dr Madzima vanoti kushaikwa kweruzivo rwakadzama maringe nezvirwere zvegomarara kunoita kuti vanhu vakawanda vanonoke kuwaniswa rubatsiro nguva ichiripo.

“Chikamu che80 percent chevarwere vegomarara vanozotsvaga rubatsiro rwekurapwa vava pachidanho chetatu kana chechina chehurwere zvinoita kuti vakawanda varasikirwe neupenyu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey