Covid: Vamwe vanhu 14 vafa

17 Dec, 2021 - 09:12 0 Views
Covid: Vamwe vanhu 14 vafa Dr Mahomva

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU 14 vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weChitatu hunove huwandu hwakanyanyisa kukwira kana zvichienzaniswa nevatanhatu kana vatatu vange vachifa mumazuva mashoma adarika.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti vanhu 4 367 vakawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa nemusi uyu.

“Kune nyaya 4 367 itsva dzevabatwa nechirwere ichi nhasi (Chitatu) uye 14 vafa,” rinodaro bazi iri.
Huwandu hwevanhu vari kufa nevari kuwanikwa vaine denda iri huri kukwira zvichitevera kunyuka kwechikamu chechina chechirwere ichi (fourth wave) izvo zvaona pachiuyawo hutachiona hutsva hwemhando yeOmicron variant.

Kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 182 057 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 nyika yose mushure mekuvhenekwa kubvira pakanyuka denda iri munaKurume wegore rapera.

Pavarwere ava, 130 920 vakatopona asi vamwe 4 759 vakafa.
Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 3 999 170 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira denda iri apo vamwe 3 013 385 vange vabaiwa ose ari maviri – ekutanga neechipiri (2nd dose).

Hurumende ine chinangwa chekubaya nhomba chikamu che60 percent kana kuti vanhu 10 miriyoni pavanhu vose vari munyika ino kuti pange paine dziviriro kubva kuchirwere ichochi.

Zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa uye nevari kufa, Hurumende iri kutora matanho ekudzikamisa mamiriro ezvinhu aya.
Matanho aya anosanganisira kuti mapazi ose eHurumende haachaita misangano yebasa vanhu vakatarisana asi kuti yave kuitwa kuburikidza nedandemutande.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti varambe vachitevedzera zvizere matanho ekudzivirira chirwere ichi.
Matanho ekurwisa denda iri ange aripo akawedzerwa nemusi weChipiri chino nemamwe masvondo maviri.
Dr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet, vanoti Hurumende inogona kusimbaradza matanho ekurwisa Covid-19 (lockdown) kana huwandu hwevanhu vari kubatwa nedenda iri hukaramba huchikwira zvakanyanya.

Asi izvi zvinokwanisa kudzivirirwa kana veruzhinji vakatevedzera zvizere matanho aripo ekumisa kupararira kwechirwere ichi.
Dr Mahomva vanoti Hurumende iri kuramba ichiongorora kushanda kwematanho akatarwa ekurwisa Covid-19.
Vanoti kuvandudzwa kwematanho aya kuchaitwa pachitariswa mamiriro ezvinhu maringe nechirwere ichochi.

“Ibasa redu tose nekuti tikarega kudaro uye huwandu hukaramba huchikwira, hatina zvimwe zvatingaite, asi kusimbaradza matanho iwaya,” vanodaro Dr Mahomva.

Pari zvino Zimbabwe iri padanho reLevel 2 lockdown.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey