Covid yakanganisa raramo yemadzimai

07 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
Covid yakanganisa raramo yemadzimai

Kwayedza

Abel Ndooka

VANHUKADZI vanokurudzirwa kuti vabatane mukurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo vari ivo vane raramo iri kunyanya kukanganiswa zvichitevera kunyuka kwedenda iri.

Kurudziro iyi yakaitwa nasachigaro wekomiti yedare reParamende inoona nezvekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba – Cde Miriam Chikukwa – pamusangano wakarongwa neWomen’s Coalition of Zimbabwe (WCoZ) muguta reHarare nemusi weMuvhuro.

Vanoti vanhukadzi ndivo vari kunyanya kukanganiswa neCovid-19 izvo zvaona kunyangwe nevanasikana vachiri pachikoro vachiitiswa pamuviri panguva dzelockdown uye vamwe vachibatwa chibharo nevehukama.

Cde Chikukwa vanoti panguva yelockdown apo veruzhinji vaikurudzirwa kuti vagare kudzimba senzira yekurwisa kupararira kwedenda iri, dzimwe dzimba dzakaparara nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira hurombo sezvo vamwe vakarasikirwa nemabasa.

“Madzimai tanyanya kukanganiswa zvikuru neCovid-19 nekuti kubvira pakanyuka chirwere ichi tichizopinda mulockdown tichinzi tigare kudzimba, dzimba zhinji dzakaputsika nekuda kwenzara. Munongoziva nzara ikapinda mumusha pamba hapagarike, amai ndivo vanenge vave kutofanirwa kumhanya-mhanya kuona kuti mhuri yadya.

“Saka zvakakosha kuti tibatane mukurwisa chirwere ichi nekuti matambudziko akaita seaya anongowanikwa nevanhukadzi chete,” vanodaro.

Cde Chikukwa vanoenderera mberi vachiti, “Vanasikana vazhinji vakapihwa pamuviri, vamwe vachitopihwa nehama chaidzo zvinove zvinokanganisa ramangwana ravo sezvo vachizotadza kuenderera mberi nedzidzo yavo.”

Zvisinei, pasi pemutemo wenyika ino, vanasikana vanopihwa pamuviri vachiri pachikoro vane kodzero yekuenderera mberi nefundo yavo.

Cde Chikukwa vanoti panguva yelockdown, dambudziko rekushaikwa kwemvura mumaguta nemumadhorobha rakaona vanhukadzi vachishungurudzwa apo vaienda kunochera mvura kuzvibhorani kwaive kwakazara makoronyera.

Vanoti mvura haifanirwe kushaikwa, zvikuru panguva ino yekurwisa nechirwere cheCovid-19, sezvo yakakosha pakushambidza maoko, pakati pezvimwe.

“Kushaikwa kwemvura idambudziko chairo iro rakaona madzimai mazhinji vachishungurudzwa kuzvibhorani apo vanoenda kunotsvaga mvura. Munoziva zvose zvinongomirira mudzimai pamba, mvura ikapera ndiye anofanirwa kunochera apa akamirirwa kunzi azouya kuzobika zvekare,” vanodaro.

Cde Chikukwa vanotiwo vanhukadzi vanofanirwa kubatana uye kusimudzirana munyaya dzekuti vawane zvigaro zvepamusoro mune zvematongerwo enyika.

Vanoti hazvibatsire kushorana pachavo asi vanotofanirwa kuita mushandirapamwe kuti zvinhu zviendeke.

“Semadzimai, ngatibatane tisimudzirane nekuti ndiyo yega nzira yekuti shanduko iuye tigosimukira. Asi manje madzimai mazhinji havadi kupinda mune zvematongero enyika kana muzvigaro zvepamusoro nekutya, zvinonzi madzimai anopinda mune zvematongerwo enyika ipfambi.

“Kwete handizvo, pindai mune zvematongerwo enyika muunze shanduko kumadzimai. Semadzimai, tikasimudzirana pachedu kana ivo varume vanototanga kutiremekedzawo. Asi tikazvitarisira pasi, hapana achatisimudzira,” vanodaro Cde Chikukwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey