Uncategorized

‘Covid yandisvinudza’

19 Mar, 2021 - 17:03 0 Views
‘Covid yandisvinudza’ VaRabson Randi vachisona shangu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anorarama nekusona shangu mumusha weChadcombe, kuHatfield, muguta reHarare, anoti kuomerwa neupenyu nekuda kwechirwere cheCovid-19 kwakamuvhura pfungwa zvikamuita kuti atsvage mabhindauko anoraramisa mhuri yake.

VaRabson Randi (42) vanoti chirwere cheCovid-19 chakaunza kutambudzika kuvanhu vazhinji sezvo vaitadza kuita mabasa avo zvizere izvo zvakapinza nzara mudzimba.

Vanoti vakaita mazuva maviri vachishaya chekudya mumba nemhuri kusvikira vazofunga zano rekusona shangu.

“Izvozvi ndave kurarama nemhuri yangu kubva mukusona shangu dzakabvaruka ndichizviwanira mari yangu. Chipo ichi nehunyanzvi uhwu ndaiva ndakazvigarira kusvikira ndazorwadziwa nekugara kumba nekuda kweCovid-19. Nzara yapinda mumba uye ndaona kuti ndave kuparara nemhuri, ndakazobuda ndokuenda kunogara pasi pemuti pano pandiri, ndokutanga kusona shangu,” vanodaro VaRandi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndakapedza mwedzi mishanu yekutanga yelockdown kubva munaKurume kusvika Chikunguru 2020 ndakagara kumba kusvikira nzara yapfunya chisero. Basa rekusona shangu ndakaridzidziswa nasekuru vangu avo vaishanda kukambani yebhutsu kuBulawayo.”

Vanoti kuburikidza nekusona shangu tsaru, mhuri yavo yava kutokwanisa kurarama kubva mubasa iri.

“Izvozvi zvikoro zvavhurwa, mari yechikoro ndinayo zvese neyechikafu. Saka ndinoti Covid-19 chiwororo, yakandivhura meso nepfungwa dzikafunuka. Kuoma kwezvinhu dzimwe nguva kunotiyambutsa nenzira dzakasiyana.”

VaRandi vanoti zvakakosha kuti vanhu vatsvage mabhindauko ekuita pane kungogarira maoko.

“Yambiro yangu kuruzhinji, zvikuru vasingaende kumabasa, ndinoti ngavatsvage zvimwe zvekuita munguva ino yeCovid-19 kuti mhuri dzavo dzirarame. Chipo changu chekusona shangu chakazobuda nekuti ndakanga ndarwadziwa nenzara ndokubuda kunopambara izvo zvandiyambutsa nhasi. Ndave kuzivikanwa muno muChadcombe nekusona bhutsu,” vanodaro VaRandi.

Vanoti vane tarisiro yekuti bhindauko iri richasimukira zvichitevera kuvhurwa kwezvikoro sezvo vachigona kuwana basa rekusona shangu dzevana.

“Nguva yatagara kudzimba nekuda kweCovid-19 kwandiri ini nemhuri yangu zvakangofanana nevana vechikoro vaiva kukoreji nekuti takadzidza mabasa emaoko anosanganisa kurima kana kusona,” vanodaro VaRandi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey