Uncategorized

‘Covid yaunza hutsanana’

28 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
‘Covid yaunza hutsanana’ Mambo Goronga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Goronga vekuMudzi, kudunhu reMashonaland East, vanoti kunyangwe zvazvo chirwere cheCovid-19 chashungurudza vanhu munyika muno nepasi rose, nekune rimwe divi chapa mukana wekuvandudzwa kwemabasa ehutsanana anosanganisira kucherwa kwezvibhorani nechinangwa chekuti vanhu vawane mvura yekushandisa yakachena.

VaBoyi Nyamande (50) avo vanova Mambo Goronga vanoti vari kushanda nemasangano akasiyana mudunhu ravo mukurwisa kupararira kwechirwere ichi, zvikuru muchirongwa chekuvandudza zvibhorani.

“Kubva mumwedzi waKurume kusvika izvozvi, tiri kushanda nesimba mukuvandudza zvibhorani zvemuno. Tiri kunyorerawo kumasangano akazvimirira kuti tichererwe zvimwe zvibhorani zvitsva kuti vanhu vedu vawane mvura inovakwanira mudzimba, muzvikoro, mumataundishipi, mumakiriniki nedzimwewo nzvimbo,” vanodaro Mambo Goronga.

Vanoti basa rekuvandudzwa kwezvibhorani iri riri kutungamirirwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) richitsigirwa nemamwewo masangano.

Vanowedzera vachiti zvibhorani zvavandudzwa izvo zvave kushanda mudunhu ravo kusvika pari zvino zvinodarika makumi maviri uyewo pane zvitsva zvakacherwa zvinokwana zvitanhatu.

“Zvekugadzirisa zvibhorani izvi nezvose zvinodiwa kusanganisira simbi nemari dzekubhadhara vanogadzira vacho zviri kuitwa nemasangano iwaya. Chirwere ichi chinoda kuti tiite hutsanana nekudaro zvave kuda kuti tiwane zvibhorani zvakawanda zvose nematsime acho. Saka vanhu vedu vave kuita nhimbe yekuchererana matsime kuti zvive nyore,” vanodaro Mambo Goronga.

Masangano anoona nezveutano ari kukurudzira vanhu kuti vagare vachigeza maoko nesipo nemvura yakachena uye inochururuka nechinangwa chekumisa kupararira kwechirwere ichi.

“Ndinokurudzira vagari vemudunhu rangu nevamwe veruzhinji kuti titevedze zvose zvatinonzi neveutano tiite mukurwisa denda reCovid-19. Ngatigezei maoko nemvura inochururuka, ngatigarei takataramukana mudzimba, kumabasa, mukufamba uye tosiyana nenyaya dzechitsokotsoko,” vanodaro mambo ava.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey