Uncategorized

‘Curfew’ yanyevenutswa

21 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
‘Curfew’ yanyevenutswa Senator Monica Mutsvangwa

Kwayedza

Leroy Dzenga
HURUMENDE yanyevenutsa nguva inotenderwa veruzhinji kufamba pasi pechirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 (curfew) kubva na8 dzemanheru kusvika na6 dzemangwanani uye vemabhizimisi vachavhura na8 kuseni vachivhara na4.30 zuva rovira.

Matanho aya atorwa nechinangwa chekurerutsira veruzhinji pamwe chete nekudzikisa njodzi yekutapurirana chirwere chanetsa pasi rose ichi.

Panguva imwe chete, vanhu vanobva kunze kwenyika avo vanenge vavhenekwa vakawanikwa vasina hutachiona hwecoronavirus hunokonzera Covid-19 vanotenderwa kuti vaende kudzimba dzavo, asi vogara mazuva 21 vari kwavo voga ikoko.

Vachizivisa nezvematanho matsva aya mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti izvi zvaitwa mushure mekuona matambadziko ari kusangana neveruzhinji uyewo senzira yekudzikisa njodzi yekutapurirana Covid-19.

Vemabhizimisi nevatengi vagara vachinyunyuta kuti nguva yekushanda pahurongwa hwagara huripo ishoma izvo zvange zvichiita kuti vanhu vapedzisire vaungana sezvo mabhizimisi aivhurwa na8 mangwanani achivharwa na3 dzekumanheru.

Vashandi vange vachichema-chemawo zvakare kuti vari kusangana nematambudziko ezvekufambisa, zvikuru pakudzokera kudzimba.

Mamiriro ezvinhu akadai aiita kuti vakawanda vapedzisire vave kutyora mitemo inorambidza vanhu kuita chitsokotsoko kana kuti vasafambe-fambe nguva dzakatarwa husiku, vachiita izvi vasingade asi nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Vatyairi vemabhazi nemakombi anotenderwa kutakura veruzhinji pari zvino vanofanirwa kugara vachivhenekwa utano hwavo nguva nenguva.

Hurumende yakarerutsa zvakare nyaya yekuchengetwa kwevanhu vanobva kunze kwenyika panguva yavanenge vachiongororwa utano hwavo vachionekwa kuti havana Covid-19 here.

“Vanenge vabva kunze kwenyika kana vavhenekwa vakaonekwa vasina chirwere ichi pavanosvika, havachachengetwa panzvimbo dzavo voga asi kuti vanotenderwa kuenda kudzimba kwavo uko vanonogara voga uye vachiongororwa nezvikwata zvekunharaunda idzodzo. Asi vanowanikwa vaine chirwere ichi pavanosvika muno, vanobva vaendeswa kunzvimbo dzavanombochengetwa kwavo voga,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Nguva yadarika, vanhu vaibva kunze kwenyika vaimbochengetwa kunzvimbo dzavo voga kwemazuva 21 vachiongororwa kuti havana chirwere ichi here.

Mazuva aya akazodzikiswa kuenda pamasere kana munhu achinge awanikwa asina Covid-19 asi ndokunge avimbisa kuti kana akaenda kumba kwake, aizonogara oga kwemazuva 21.

Zimbabwe kusvika nemusi weChipiri svondo rino yange yava nevanhu 5 378 vavhenekwa vakawanikwa vaine Covid-19.

Pavarwere ivava, 4 105 vakatonaya asi vamwe 141 vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey