Uncategorized

‘Dai Covid yachipera’

20 May, 2021 - 12:05 0 Views
‘Dai Covid yachipera’ Ngonidzashe Rugara

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUIMBI ari kusimukira mumusambo weAfro Jazz, Ngonidzashe Rugara, anoti basa ravo radzoserwa kumashure zvakanyanya nekuda kwechirwere cheCovid-19 sezvo pari zvino mashoo asiri kutenderwa senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Rugara anoti vaimbi vari kusimukira saiye kuti vazivikanwe zvakanyanya nevanhu vanenge vachifanirwa kuita mashoo vakabatana nevane mukurumbira vachizvishambadza izvo zvisiri kukwanisika pari zvino nekuti vanhu havasati vave kutenderwa kuungana vakawanda.

Pasi pemitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, vanhu vanoungava kunzvimbo dzakadai sekumachechi neparufu havafanirwe kudarika 50.

“Mitemo yakadzikwa neHurumende pamwe nesangano reWorld Health Organisation haitendere kuti tiunganidze vanhu asi nerimwewo divi kuungana kwevanhu ndiko kukura kwebasa redu. Sevaimbi vari kusimukira, hatisati tave nevatsigiri vakawanda. Mashoo ndiwo anotisanganisa nevanhu uye anotibatsira kuona patiri kugona nekutadza.

“Tiri kungonamata kuti dai denda iri raderera vanhu vasununguka vatenderwa kuungana zvakare tikwanise kuita mashoo nekuti anotipawo chouviri uye rutsigiro rwunosimudzira basa redu,” anodaro Rugara.

Rugara achangobva kutsikisa kambo kake kanonzi “Vanhu vari kufanira kuimba” ako akabuditsa akabatana naOziman ‘Uncle Epatan’ Marera.

Anoti kambo aka ndiko kekutanga kutsikisa uye ari kutarisira kutsikisa dambarefu rine nziyo nemavhidhiyo nguva pfupi iri kutevera.

“Kambo aka kanoreva kuti vanhu vanofanira kutaura zviri pamwoyo yavo kuburikidza nekuimba. Kuimba inzira inokwezva veruzhinji kuti vanzwe mashoko ari kutsanangurwa nemuimbi.

“Kambo aka ndiko kekutanga uye ndiri mubishi kutsikisa dambarefu richange riine nziyo dzine mavhidhiyo,” anodaro Rugara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey