Uncategorized

Dambarefu rechimbo chenhamo

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

VANHU hatidziidze. Unoona munhu achienda pamba pen’anga panonhuhwa nhamo kuti anopihwa mushonga wekuti apfume. Ko sei n’anga yacho isina kutanga yazvipfumisa iyo? Kana kuti sei vakadzi nevana ven’anga yacho vachitooneka kuti vari kutamba dambarefu rechimbo chenhamo yakaita chinamira?

Ndinonzwa tsitsi nemurume akabuda muKwayedza akanotsvaga mishonga yekupfuma kuMozambique asi iko zvino afema. Ko Mwari havana here kuti munhu uchadya cheziya?

Zvinoreva kuti munhu unofanirwa kushanda kwete kushandirwa nemishonga kana nemaporofita nen’anga dzinovimbisa rugare rwusina chigaro.

Chinonetsa ndechekuti vazhinji venyu nyangwe tikakuudzai hamuteerere. Zvakafanana nekugezesa nguruve, inongodzokera kumadhaka kwayakajaira.

Mapenzi anozviisa munjodzi nekuda kupfuma haapere, uye dai mapenzi iwaya aive munda, pagandiwa rese hapana chawaikohwa nyangwe ukaisa manyowa nekusakura. Hufuza hwekutsvaga mari yemahara, mari inovimbiswa nemaporofita nen’anga huri pachena sezino repfambi, hauvanzike.

Ndisiyei ndimbonyatsozvambura mapenzi anotsvaga mari yemahara, kusanganisira mapenzi anotamba njuga nekubheja mabhiza. Panyika hapana chemahara.

Nyangwe kunze kukanzi kuri kunaya sadza nenyama, ivava vanhu vajaira zvemahara havagone kunozvichinjidzira nekuti vane nungo, havadi kushanda.

Dai hupenyu hwaive hwekungowana zvatinoda tisina kushanda, dai Mwari vasina kutiratidza kuti munhu anofanira kushanda. Asi Mwari nekuziva kuti kushanda chinhu chinodiwa, ndivo vakave mushandi wekutanga muBhaibheri, vakazozorora zvavo nezuva rechinomwe. Asi ukazvitarisa, Mwari vaishanda, nyangwe zvavo vaine simba rekuti vakangotaura chete, zvavanoda kuti zvivepo zvobva zvatovepo.

Zvino nhasi uno musha wekutsvaga nemishonga waparara. Chasara chii? Iye munhu kana ave kupota achitadza kuziva zvaanoita zvekuti anozowanikwa asisina hembe, mushonga wekupfuma uri kushanda chii? Nungo dzakaipa, asi kushanda kunobhadhara. Simba mukaka, rinodzinira.

Zvino nungo dzekubvuma kuti n’anga ine simba rekupedza nhamo razoita gangaidza mukwenyi mhezi yavavira mudumbu. Apa ndiri kunyatsoona kuti kusada kushanda kuye kwazoparira munin’ina wangu wekwaMuzarabani. Ndiko kufanana nembwa yaTozivepi yatsvaga madziro ekuzembera kuti igone kuhukura.

Husimbe ndakahuvenga. Husimbe hunotuma kunotsvaga mari yemahara nevaroyi vasipo.

Ndekupi kwawakamboona munda unozvirima, ugozvidyara, ugozvikohwa, ugokuendera kuchigayo, nekukubikira, nekukudyisa iwe wakangoti fada? Zivai kuti ndidye ndidye akadya zvimbishi.

Dambudziko rave nevanhu vazhinji mazuva ano kusada kudikitira kana kumirira. Asika, hakuna munda wakadyarwa nhasi mangwana vanhu vakafuma vachikohwa. Kumirira chinhu chakakosha. Kuzvidzora chinhu chinodiwa usati wazotanga kutsvedzemuka semunhu agarira nhanzva uchienda kunowira mudziva rine makarwe enhamo akashamira.

Kana nungo dzinotuma vanhu kutsvaga mari yavasina kushandira dzichiita sechinhu chisina basa nhasi uno, uchazoona kuipa kwadzo mangwana.

Munhu anotsvaga zvinhu zvemahara anozviita nzungu iri muriva raSatani. Vanhu vane nungo, ivavo vanotsvaga kuwana mari yavasina kushandira vanoyedza Satani kuti avayedze.

Munhu anoswera achiteerera nyaya dzekunowanikwa maporofita nen’anga dzinoshandira kupedza nhamo nematambudziko vari kuzvitsvagira hushamwari nemweya yetsvina. Uye vanhu ivavo mapadza anosakuriswa naSatani mumunda make.

Nungo ndiyo ndiro inopakurirwa sadza naSatani. Kutsvaga mari yausina kushandira ivhangeri remweya yetsvina. Kana wawana mari yausina kushandira uchadzidzisa vana vako kuti kudii?

Vanhu ngavashande, kunyanya maKristu. Hakuna inofurira ivete. Hakuna muporofita anorarama nekushandira. Jesu pachake aive mushandi mukuru, uye vanomutevera havafanire kutsvaga zvemahara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey