Uncategorized

Dapurahunanzva roga-roga

31 May, 2019 - 00:05 0 Views
Dapurahunanzva roga-roga First Lady Amai Auxillia Mnangagwa vachikuya mapfunde.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KWAKANGE kusingadanwe anonzwa kumutambo wekuratidzirwa kwechikafu chechivanhu uye zvetsika nemagariro zvemuZimbabwe nedzimwe nyika, weFood and Culture Festival, uyo wakaitirwa muHarare Gardens svondo rapera.

Chirongwa ichi chakarongwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, avo vakawana mukana wekukurukura nemapoka evanhu vakasiyana pagungano iri – kubva kumadzishe kusvika kuvana vechikoro.

Amai Mnangagwa vakadzidzisawo vana tsika nemagariro padare ravakaita navo.

Padare iri, vana vechikoro vakapawo mashoko ekuti havachina nguva navanatete sezvo mhuri zhinji dzaparadzana nekuda kwemabasa, kupokana uye kuti vabereki vava kuswera kumabasa vachidzoka vakaneta izvo zvinoita kuti vashaye nguva dzekuraya vana vavo.

Ruzivo rwechizvino-zvino rwembozhanhare nematerevhizheni ndizvo zvimwe zvakaonekwa sedzimwe honzeri dziri kuita kuti vabereki nevana vashaye nguva yekurayana.

Amai Mnangagwa vakapfugamawo pasi setsika yemuZimbabwe vachikuya mapfunde nehuyo paguyo, kunova kudya kunokurudzirwa muutano hwevanhu ndokuzodzvura chibage muduri, pakati pezvimwe zvakawanda zvavakaita.

Pakavawo nemakwikwi ekubika emadzimai anova makurukota eHurumende izvo zvakaona Cde Sithembiso Nyoni avo vanova gurukota revanhukadzi, nharaunda nekusimudzirwa kwemabhizinesi ari pakati nepakati vachitora mukombe.

Cde Nyoni vaiteverwa negurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa.

Cde Mutsvangwa vanoti vakadzidza zvakawanda kubva mumakwikwi ekubika aya.

“Ndinofara zvikuru nechiitiko ichi nekuti tafunda zvakawanda maringe nekukosha kwekudya kwepasichigare. Mumakwikwi aya, ndabika sadza rezviyo nenyama yemuswe wemombe,” vanodaro Cde Mutsvangwa.

Marudzi akasiyana akaratidzirawo tsika nemagariro avo uye mitambo yepasichigare izvo zvakaona kunyangwe nevachena vachidakadzwa zvikuru zvekusvika pakubuda dikita vachitamba mitambo yechinyakare.

Vanhu vaive pagungano iri vakadyawo chikafu chechivanhu chinosanganisira sadza remapfunde, rezviyo, manhanga, zvinyenza (matumbu akamonwa), mufushwa nezvimwe zvakawanda.

Vamwe vakaratidzira pagungano iri vanosanganisira Muvhaki Traditional Dance yakabva kuBikita, Guruve Marimba Arts Ensemble, Komba/Chinamwari Traditional Dance, Binga Traditional Dance, pakati pevamwe.

Paivawo nevekunze vakaratidzirawo tsika dzavo sevekunyika yeChina, Algeria neIndonesia.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey