Declan Rice atanga gadziriro dzake dzemwaka mutsva kuPortugal

13 Jul, 2023 - 19:07 0 Views
Declan Rice atanga gadziriro dzake dzemwaka mutsva kuPortugal Declan Rice

Kwayedza

DECLAN RICE atanga gadziriro dzake dzemwaka mutsva kuPortugal apo vatsigiri veArsenal vari kuramba vakamirira kunzwa kuti ave mutambi wechikwata chavo uye abva kuWest Ham zviri pamutemo.

MaHammers akawirirana chibvumirano chemari zhinji inove ine nhoroondo £105 miriyoni, izvo zvichaona achipihwa £100 miriyoni izvozvi, kuchiti imwe £5 miriyoni inozotevera, achitengesera mutambi wavo Rice kumaGunners.

Kuenda kwake kumaGunners kunogona kuitika iye zvino asi chikwata chekuNorth London hachisati chazivisa zviri pamutemo, kunyangwe hazvo maneja wacho, Mikel Arteta, ari kuda kutakura mutambi uyu kuenda naye kuUSA kupre-season.

Rwendo urwu rwunotanga svondo rinotevera uye Rice pari zvino atanga kuita gadziriro dzake mushure mekumbozorora zvakakodzera.

‘Back at it’, akanyora achitumira mifananidzo yakawanda achiita gadziriro dzake, achishanda nesimba ari pane imwe nzvimbo yemitambo inonzi The Campus kuAlgarve.

Rice anoonekwa achimhanya uye achisimudza masimbi pamwe nekuneta izvo zvinoonekwa paanopedza kuita gadziriro dzake.

Chizvarwa chekuEngland ichi chinoziva nzvimbo iyi zvakanyanya sezvo vakambonoita gadziriro dzavo ikoko neWest Ham masvondo adarika apo vainge vakatarisana nefainari yeEuropa Conference League. — SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey