Uncategorized

Delta yovhura muMasvingo

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Delta yovhura muMasvingo

Kwayedza

KAMBANI yeDelta Beverages svondo rapera yakaparura muzinda mutsva uyo uchange uchibikwa doro remhando yeSuper Chibhuku unokosha US$14 miriyoni izvo zvichasimudzirawo mabasa evarimi vemapfunde nechibage kudunhu iri sezvo vachizowana kwekutengesera zvirimwa zvavo.

Pari zvino doro remhando iyi riri kubva kumizinda yeDelta iri kuChitungwiza Plant neFairbridge, kuBulawayo.

Varimi vanotarisirwa kubatsirikana zvikuru sezvo kubikwa kwedoro uku kuchida chibage chinosvika matani 59 000 nematani 14 000 emapfunde pagore.

Vachitaura pazuva rekumemwa kwemuzinda uyu, VaRichard Rashai, avo vanove national sales executive kuDelta, vanoti zvirimwa izvi zvichange zvichidiwa zvakanyanya mukubikwa kwedoro nokudaro varimi vachave nemikana yekuita mari.

Vanhu vachimema muzinda mutsva weDelta Beverages kuMasvingo. — Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

Vanhu vachimema muzinda mutsva weDelta Beverages kuMasvingo. — Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

“Muzinda mutsva uyu uchange uchibika marita 60 000 edoro reSuper Chibuku pachikamu chimwe nechimwe. Tinoda chibage nemapfunde akawanda kuti tigone kuita basa iri.

“Tinokwanisa kutenga matani anosvika 59 729 echibage ne14 000 emapfunde pagore. Saka kuvarimi vemuMasvingo tinoti uyu ndiwo mukana mukuru wamunofanira kushandisa kuti murime zvirimwa izvi zvakawanda nekuti tichazvitenga nemari yakanaka,” vanodaro.

Vanoti pamusoro peizvi, vagari vekuMasvingo vane mikana zvakare yekuwana mabasa kuburikidza nemuzinda mutsva uyu.

“Muzinda uno une michina yemhando yepamusoro iyo ichange ichiita basa nekukasika zvichiita kuti doro rigadzirwe nehuwandu hwaro uye riine hunaku kwepamusoro. Michina iyi inongoda bedzi nyanzvi shomanana, kureva kuti kambani ichapinzawo vashandi vashoma basa zvichibatsira kuti isadhurirwe,” vanodaro.

VaRashai vanoti vanofara zvikuru kuti vashandi vazhinji ndeve munzvimbo iyi zvinova zvinoderedza kubudiswa kwemari yakawanda nekambani yavo apo inenge ichihaya kana kubhadhara vashandi vekunze.

VaAlfred Mupeti, vanove mukuru wemabhindauko aya kuDelta Beverages, vanotenda kanzuru yeMasvingo nekuvawanisa mvura yakakwana.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, mutevedzeri wameya wedhorobha reMasvingo, Kanzura Jameson Chiwara, vanoti kuparurwa kwemuzinda uyu ibudiriro huru muMasvingo.

“Tinofara zvikuru nezviitiko zvakadai nekuti ndizvo zvinofambirana nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset. Varimi vave kuwana kwekutengesera goho ravo uye vechidiki vachiwanawo mabasa.

‘‘Pamusoro peizvi, vanhu vave kuwana doro vachinwirawo pedyo nemisha yavo,” vanodaro Kanzura Chiwara.

Mashoko avo anotsinhirwa nemunyori mukuru mukanzuru yeMasvingo, VaAdolf Gusha, vachiti mabhindauko erudzi urwu anobatsira vemabhizimusi kuti vaite mari kuburikidza nekuhodha doro vachitengesa.

Corporate manager weDelta Beverages, Mai Tsungai Manyeza, vanotiwo dhorobha reMasvingo rakakura kwazvo uye rine nzvimbo dzinoyevedza seGreat Zimbabwe, nekudaro zvinofadza kuti pave nebudiriro yakadai.

“Dhorobha reMasvingo rakange risina muzinda unogadzirwa Super Chibuku, kwaingove newemaScud. Saka takaona kuti vanhu vakawanda vari kufarira maScud zvikaita kuti tivhure muzinda uyu unova wekutanga munzvimbo iyi.

‘‘Pose apa, dhorodha iri raiwaniswa Super Chibuku nemamwe mapazi edu seChitungwiza neFairbridge,” vanodaro.

Vanoti vari kushanda nedhorobha reMasvingo mukuchengetedza nharaunda.

“Tine mabhini 16 ari mudhorobha uye takabatana nekambani inoona nezvekunhongwa kwemarara achiendeswa kwaanonobikwa patsva, yeWaste Solution zvinova zvinobatsira kuti marara asangowanikwa pose-pose. Tinofundisa zvakare vanhu nezvekukosha kwemarara,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey