Dembare yosangana neSimba Bhora muChibuku Super Cup

03 Aug, 2023 - 13:08 0 Views
Dembare yosangana neSimba Bhora muChibuku Super Cup Chibuku Super Cup

Kwayedza

Abel Ndooka

MWAKA mutsva weChibuku Super Cup uchatanga svondo rinotevera apo zvikwata zvinoti Yadah, Cranborne, Sheasham neBlack Rhinos zvichatatsurana mupreliminary round yemukombe uyu.

Zvikwata izvi zvichange zvichirwira zvinzvimbo zviviri zvekuenda kuround one yemutambo uyu uye mitambo yepreliminary ichatambwa nemusi wa9 Nyamavhuvhu.

Mitambo yeround one ichazotambwa nemusi wa12 na13 Nyamavhuvhu.

Padraw remutambo uyu, Highalnders – iyo iri kutungamira palogo – ichisangana neBulawayo Chiefs mumutambo weBulawayo Derby, kuchiti Ngezi Platinum Stars ichitamba neTriangle United.

Manica Diamonds ichasangana nechikwata chichahwina pakati peSheasham neRhinos, Dynamos FC ichatatsurana neSimba Bhora, Chicken Inn ichatamba neGreen Fuel, FC Platinum ichatamba nechikwata chichahwina pakati peYadah neCranborne Bullets, CAPS United ichisangana neHwange koti Herentals ichatamba neZPC Kariba.

Gore rino, chikwata chichahwina mutambo uyu chichawaniswa US$75 000 netikiti rekunomirira nyika mumutambo weCAF Confederations Cup.

Chamangwiza wePSL – Kennedy Ndebele – anoti mukombe weChibuku Super Cup wegore rino uchanakidza zvikuru.

“Tiri kufara kuti gore rinotevera zvikwata zvedu zvichange zvave kunotamba mitambo yemuAfrica, sekuziva kwenyu kutambira muAfrica kwakakosha nekuti kunobatsira kusimudzira nhabvu yedu uye vatambi vedu vanenge vachionekwa nezvikwata zvakawanda zvekunze,” anodaro Ndebele.

Gore radarika, mukombe weChibuku Super Cup wakasimudzwa neBulawayo Chiefs iyo yakakunda Herentals 1-0 mufainari yemutambo uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey