‘Donzvo kubaya 60pc yevanhu’

27 Oct, 2021 - 17:10 0 Views
‘Donzvo kubaya  60pc yevanhu’ Senator Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE iri kusimbaradza chirongwa chekuti veruzhinji vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 nechinangwa chekuzadzikisa tarisiro yekuti chikamu che60 percent chevanhu vari muZimbabwe vange vabaiwa nhomba idzi panopera gore rino kuitira kuti nyika inge yakachengetedzeka kubva kuchirwere ichi.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti zvakakosha kuti vanhu vasati vabaiwa majekiseni aya vabaiwe.

“Cabinet yakaona zvakakosha kusimbaradza chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni nechinangwa chekuti nyika inge yakadzivirirwa kubva kudenda iri panopera gore rino setarisiro iripo.

“Nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, pari kuitwa hurukuro nemapoka akakodzera pamusoro pehurongwa uhu. Veruzhinji vachaziviswa mafambiro ezvinhu nenguva yakakodzera.

“Hurumende inokurudzira zvizvarwa zvose zvemunyika muno zvisati zvabaiwa nhomba idzi kuti vabaiwe,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 3 281 724 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira Covid-19 uye vamwe 2 556 721 vange vabaiwa echipiri (2nd dose) kubvira pakatanga chirongwa ichi munaKurume wegore rino.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 132 724 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe kubvira pakatanga chirwere ichi muno munaKurume wegore rapera.

Pavarwere ava, 127 497 vakatopona asi vamwe 4 674 vakafa.

Sen Mutsvangwa vanoti kupararira kweCovid-19 munyika kuri kudzikira zvichitevera matanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa denda iri.

“Nyaya itsva dzevanhu vakabatwa nechirwere ichi svondo rapera dzaive 303 kana dzichienzaniswa ne572 dzevhiki radarika pamberi. Izvi zvinoratidza kudzikira nechikamu che47 percent.

“Ichi chiratidzo chekuti matanho ari kutorwa nenyika ino mukurwisa chirwere ichi ane zvibereko zvinooneka,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya nhomba kuvanhu 10 miriyoni kuti nyika inge yakadzivirirwa kubva kuCovid-19 panopera mwedzi waZvita gore rino.

Kubaiwa majekiseni ekutanga neechipiri kuvanhu vanodarika 3 miriyoni kwaona Zimbabwe ichiva pakati penyika 13 dziri pamusoro-soro muAfrica panyaya yevanhu vadzivirirwa zvizere kubva kuCovid-19.

Nerimwewo divi, nguva pfupi yadarika Zimbabwe yakakwanisa zvakare kuzadzikisa tarisiro yesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) yekuti chikamu che10 percent chevanhu vari munyika vange vadzivirirwa zvizere kubva kuchirwere ichi panopera mwedzi waGunyana.

Hurumende yeZimbabwe iri kurumbidzwa pasi rose nekuda kwematanho akasimba airi kutora mukurwisa kupararira kwechirwere ichi izvo zvaona huwandu hwevanhu vari kubatwa nacho pamwe nevari kufa huchidzikira zvakanyanya kana zvichienzaniswa nenguva yadarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey