Dynamos 16: Highlanders 7 . . .DeMbare ndiko kuti bhora: Mubaiwa

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Dynamos 16: Highlanders 7 . . .DeMbare ndiko kuti  bhora: Mubaiwa

Kwayedza

ATSIGIRI venhabvu vakawanda vanoziva kuti pose panosangana Dynamos “DeMbare” neHighlanders “Bosso” panotsva demo pachisara mupinyi uye zvikwata zviviri izvi ndizvo zviri pamusoro pezvose pakuhwinha mukombe wePremier Soccer League kubva mugore ra1980.

Kwayedza svondo rino yakaita tsvakurudzo ndokuona kuti kubva nhabvu yatanga kutambwa muZimbabwe, makwikwi ezvikwata zvepamusoro achizivikanwa seRhodesian National Football League, zvikwata zvakawanda zvakakwikwidza uye mukombe wekutanga wakahwinwa nechikwata chainzi Bulawayo Rovers mugore ra1962.

Kubva pakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980, chikwata cheDynamos ndicho chiri pamusoro pezvose pakuhwinha mukombe uyu sezvo chautora kanokwana ka16 mumakore 34, tisingasananisire gore ra2015.

DeMbare inoteverwa neHighlanders, iyo yatora mukombe uyu kanonwe.

DeMbare ndiyo yakatanga kuhwinha mukombe uyu muna1980 apo makwikwi aizivikanwa nekuti Zimbabwe Premier Soccer League.

Chikwata ichi chakatora mukombe uyu kwemakore mana akatevedzana anoti 1980-1983.

Mugore ra1984 mukombe uyu wakahwapurwa neBlack Rhinos asi DeMbare ndokuutora zvakare muna1985 ne1986.

Mumakore aya, apo DeMbare yaipisa zvikuru, yaitambirwa nevatambi vakaita saJaphet Mparutsa, Oliver Kateya, Sunday naMisheck Chidzambwa, Ernest Mutano, Kuda Muchemeyi, Moses naKembo Chunga, David Mandigora, Edward Katsvere, Hamid Dhana naGift “Ghetto” Mpariwa.

Gore ra1987 rakaona mukombe wePSL uchidzokera zvakare kuBlack Rhinos iyo inozivikanwa nezita remadunhirirwa rekuti Chauya Chipembere.

Highlanders yakahwina mukombe wePSL mumakore anoti 1990, 1993, 1999 kusvika 2002 na2006.

Chikwata chiri pechitatu pakuhwinha mukombe uyu iCAPS United iyo yakautora mumakore anoti 1996, 2004 kusvika 2005.

Zvimwe zvikwata zvakakwanisawo kutora mukombe uyu kamwe chete ndezvinoti Black Aces (1992), Amazulu (2003), Monomotapa (2008), Gunners (2009) neMotor Action (2010).

Pari zvino DeMbare ndiyo ine mukombe uyu uyo wayave nemakore mana ichihwina kakatevedzana uye gore rino inotarisira kuuhwina kechishanu.

Mutungamiri weDynamos, Kenny Mubaiwa, anoti DeMbare chikwata chikuru uye chine nhorowondo mumutambo uyu kubva kare.

“Isu sechikwata takazvipira munyaya dzenhabvu. Chikwata chedu chihombe zvekare chakabva kure. Panoti DeMbare ndipo panoti bhora, vatambi vose munyika ino vanoda kuuya kuzotambira isu. Chinoita kuti tibudirire kudaro inyaya yekurongeka uye nekushanda nesimba kwatinoita kuti chikwata chedu chibudirire.

“Mukombe unofanirwa kuramba uri kuDeMbare,” akadaro Mubaiwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey