Uncategorized

EcoCash yobatana necabs

05 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
KAMBANI yeEconet yovandudza zvirongwa zvayo zvekufambiswa kwemari kuburikidza neEcoCash nekushanda pamwe chete nebhanga reCentral Africa Building Society (CABS) rinova rimwe remabhanga makuru muZimbabwe.

Chinangwa chemushandirapamwe uyu ndechekuona kuti zvido zvemakasitoma zvazadzikiswa.

Kuburikidza nemubatanidzwa uyu, vanoshandisa bhanga iri vachange vachikwanisa kutenga midziyo yavo muzvitoro zvakasiyana vachishandisa EcoCash.

Makasitoma ane mikana yekufambisa mari yavo neEcoCash kuburikidza nekuiendesa kubhanga iri kana kuitora zviri nyore pane ipi zvayo nguva.

Chamangwiza veEconet, VaDouglas Mboweni, vakapembedza kubatana kweEcoCash neCABS vachiti zvichaita kuti makasitoma avo arerukirwe panyaya dzekufambiswa kwemari.

“Kambani yedu icharamba ichivandudza ukama hwayo nemasangano pamwe nemakambani emuno neekunze anoita nezvemari. Shungu dzedu ndedzekugutsa makasitoma munyika muno nekune dzimwe nyika,” vanodaro.

Natalie Jabangwe, anova general manager weEcoCash anoti, “Chinangwa chedu ndechekusimudzira kushandiswa kwemari mukubhadhara zvinhu nenzira yeruzivo rwechizvino-zvino tichishanda nemabhanga. EcoCash iri kufambirana nenguva, zvikuru sei takatarisa nyaya dzekunetsa kwemari idzo dzakatarisana nenyika. Saka tiripo pakuva mhinduro nekuti zvinobatsira mukusimudzirwa kweupfumi hwenyika.”

Mashoko ake anotsinhirwa naVaSimon Hammond vanove managing director weCABS vachiti, “Tinofara zvikuru kuti tinge tichibatana neEcoCash nekuti yakakoshera indasitiri yedu pamwe nekusimudzira misika. Makasitoma edu ari kufadzwa zvikuru neshanduko iyi.”

Vanoti kubatana kweCABS neEcoCash kwauya panguva yakanaka apo veruzhinji vakatarisana nedambudziko rekushomeka kwemari munyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey