Uncategorized

EcoSure yoparura chirongwa chitsva

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

KAMBANI yeEconet yakabura chimwe chirongwa chitsva pasi pecheEcoSure chinonzi “Thwala Sonke”, icho chinotendera vane zvirongwa kana kuti “mapolicy” ekuviga vafi kuti vapinzewo vemumhuri dzavo pamwe nehama dzepedyo kuburikidza nekushandisa nharembozha.

Thwala Sonke zvinoreva kuti “vatakurei vose”.

Vachitaura nguva yadarika pakuparurwa kwechirongwa ichi, chamangwiza weEconet Wireless, VaDouglas Mboweni, vanoti vakaona kuti mamwe makasitoma avo ane vavanochengeta pamwe nehama dzavo vanenge vachida kuti vapindewo muchirongwa chekuvigwa kwevafi ichi.

Managing director weEcoSure, VaGeorge Nyashanu, vanoti vakatora matanho ekuti vari muchirongwa ichi vakwanise kubhadhara mari yavo zviri nyore kuburikidza nekushandisa nharembozha.“

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey