Uncategorized

Eng Magombo acharemekedzwa

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

ENGINEER Gloria Sibusisiwe Magombo, avo vanove chamangwiza weZimbabwe Energy Regulatory Authority (ZERA), ndemumwe wevanhukadzi vakashinga kuita mabasa anowanzoitwa nevanhurume.Mudzimai uyu mumwe wevachapihwa madhigiri neChishanu svondo rino neWomen’s University in Africa apo vacharemekedzwa nePhD in Leadership and Management Studies semucherechedzo webasa guru ravari kuita mukusimudzira upfumi hwenyika.

Eng Magombo vakashanda kuZimbabwe Electricity Supply Authority (ZESA) kwemakore gumi nemaviri ndokuzokwidziridzwa kubva junior engineer kuenda pazvigaro zvakasiyana vachizoenda kunoita head of operations and generation planning wezviteshi zvose zveZESA.

Vakashandawo samanaging director wekambani yepasi rose yeNorconsult kuBotswana uye saRegional Energy Advisor weSouthern Africa Global Competitiveness Hub.

Eng Magombo vaimbove Executive Commissioner weZimbabwe Electricity Regulatory Commission.

Vakashanda zvakare saRegional Resource Person weEnergy Regulation muSouthern Africa.

Eng Magombo vane ruzivo rwakadzama rwemechanical engineering uye vane shungu dzekupakurira veruzhinji ruzivo rwavo kuburikidza neongororo dzavanoita nedzidziso.

Vakanyora mabhuku akawanda, vanogaropinda muzvirongwa zvakasiyana izvo vanotaura nenyanya dzekushandiswa kwesimba remagetsi uye hutungamiriri hwemadzimai.

Mudzimai uyu akakumba mibairo gumi nefararira yekugona basa iyo inosanganisira yeMegafest Woman of the Year in Parastatals Category muna 2016, Megafest Special Woman of the Year 2016, Women’s Leadership Award (WOLA) 2016 neWomen’s Top Leadership Excellence Award (Energy Sector).

Muhurukuro neKwayedza, Mai Semukeliso Gono, avo vanove Director Startegic Business Development and Marketing kuWUA, vanoti vakasarudza vaviri ava – VaPaul Chidyausiku naProfessor Hope Sadza – kuti vange vachivapa zvitupa zvichitevera mabasa makuru avari kuita mukusimudzira nyika muzvikamu zveupenyu zvakatsaukana.

“VaPaul Chidyausiku murume anonzwisisa rurimi rwaamai uye vakaona kuti kana rwukaiswa muzvinyorwa rwunobatsira mukuchengetedza mutauro weShona. Zvichibatsira zvakare munyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevanhurume zvinova zvakaita kuti vange vachive mupepeti wekutanga webepanhau reKwayedza,” vanodaro.

Vanoti nekune rumwe rutivi, Eng Magombo vakapinda muchikamu chikuru chemabasa anowanzotarisirwa kunge achiitwa nevanhurume.

“Mabasa akaita sekuve engineer ari kunyanya kuwandirwa nevarume kana zvichienzaniswa nemadzimai saka tinonzwa manyuku-nyuku nekuona mudzimai achive neshungu dzine dudziro apo anotora mabasa akadai achive zvakare mucherechedzo kune vamwe vanhukadzi kuti vange vachitevedza matsimba ake,” vanodaro Mai Gono.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey