Extra lessons: Vabereki vonyunyuta

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ) rinoti zvakakosha kuti maticha atsigirwe kuti vakwanise kuita basa ravo nemazvo.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nesangano iri nevabereki kuChitungwiza svondo rapera waive wakananga kukurukura zvichemo zvevarairidzi nekuonawo pavanopokana nevabereki kuti pagadziriswe.

Vabereki vazhinji vakapa zvichemo zvekuti dzidzo yemhando yepamusoro yava kukundikana kuwanikwa uye varairidzi havana zvinhu zvinovakwanira muraramo yavo izvo zvinoita kuti vasashande nemazvo.

Mutungamiriri weARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti chinangwa chikuru chemusangano uyu kutarisa kodzero yevana yedzidzo.

“Mubumbiro redu remutemo dzidzo ikodzero yemwana wose uye mubereki anokundikana kutsigira dzidzo yemwana anosungwa. Asi tiri kuona vana vachienda kuzvikoro vachishaiswa dzidzo yemhando yepamusoro nekuti vamwe varairidzi vanenge vari mushishi kutengesa maputi vachiti zvinhu hazvisi kuvafambira,” vanodaro VaMasaraure.

Hurumende yakawedzera mari inotambirwa nevashandi vayo – kusanganisira maticha – uye hurukuro dzichiri kuenderera mberi nemasangano anomirira vashandi pamusoro pemari.

Vamwe vabereki vaive pamusangano uyu vanoti nekuda kwekuoma kwenyaya dzeupfumi munyika, zviri kuvaremera kuramba vachibvisa mari dzemaextra lessons kuti vana vavo vadzidziswe panguva inenge isiri yechikoro.

“Sevabereki, tinoomerwawo nekuti tinobhadhara mari dzechikoro, kutenga chikafu, tinodawo zvekufambisa. Mukatarisa mari dzechikoro dzakakwira zvikuru asi takashinga kubhadhara saka tava kungokumbirawo kuHurumende kuti itibatsire nekuti tanzwa nekubhadhariswa mari dzemaextra lessons. Mwana asingabhadhari mari idzi anofoiriswa nekuti ticha ndipo paanowanirawo mari yake yechingwa,” vanodaro Mai Dickson Jiros vekuUnit N.

Vamwe ndivo vari kuchema kuti kuSt Mary’s, kuChitungwiza, nedzimwe nzvimbo dzakakomberedza hakuna zvikoro zvesekondari zvakakwana izvo zvinoita kuti vana vadhurirwe pakuenda kuzvikoro zviri muguta reHarare.

Senzira yekugadzirisa mamwe ematambudziko aya, sangano reARTUZ rakatsidza kuti richatora matanho ekuti vamwe vana vafanofunda pachena mumahoro (community hall) ari munzvimbo iyi.

Vamwe vabereki vari kunyunyuta zvakare nekuda kwezvimwe zvikoro zvichiri kutengesa mayunifomu pachikoro nekuwanda kwevadzidzi vemaNon Formal Education avo vanonzi havasi kuwaniswa varairidzi nenguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey