Fabinho otadziswa kuenda Saudi Arabia nembwa

27 Jul, 2023 - 18:07 0 Views
Fabinho otadziswa kuenda Saudi Arabia nembwa Fabinho nemudzimai wake Rebecca Tavares nembwa dzavo mbiri

Kwayedza

FABINHO anoda chaizvo kuenda kunotambira nhabvu yake kuSaudi Pro League kuchikwata cheAl-Ittihad mushure mekunge izvi zvambotadziswa nekuda kwemagwaro ake aive asina kuringana.

Mutambi uyu (29) ari kutarisirwa kubva kuAnfield mwaka uno uye anga ari muhurukuro neSaudi Pro League kuti atengwe nemari inosvika £40 miriyoni, kunyangwe hazvo Bayern Munich iri kumudawo.

Kuenda kwake kuAl-Ittihad kwanga kwaita sekwave pedyo asi ndokuzomiswa nekuda kwemagwaro izvo mapoka ese maviri ari kuzama kuzvigadzirisa.

Fabinho anonzi anoda kutakura imbwa dzake dzerudzi rwechiFrench bulldogs kuSaudi Arabia, asi zvinogona kukanganiswa nemitemo yembwa yakasimba iri kunyika iyi.

Mhando dzembwa idzi dzinonzi dzine njodzi uye dzine “hasha’’ muSaudi Arabia naizvozvo hadzitenderwe munyika iyi.

Kunyangwe iyi isiri nyaya hombe, iri kukanganisa chibvumirano chake chekutengwa.

Kana akabva kuAnfield, anenge apedza makore mashanu kuchikwata ichi uko akahwina mikombe yakawanda makore mashanu aakatamba nhabvu ariko.

Mutambi wekuBrazil uyu akwanisa kutamba mitambo 200 kuchikwata ichi uye kubva kwake kuchasiya mukaha mukuru kumaReds (Liverpool). — SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey