FIDE yosimudzira chess

13 Jul, 2023 - 19:07 0 Views
FIDE yosimudzira chess Nhengo dzeFIDE dzakauya munyika

Kwayedza

Abel Ndooka

NHENGO dzesangano reInternational Chess Federation (FIDE), idzo dziri muboka reChess in Education Commission (EDU), dzakauya munyika svondo radarika nechinangwa chekuona kufamba kuri kuita mutambo uyu muzvikoro pamwe chete nekuusimudzira. Chess mumwe wemitambo iri kusimukira munyika uye ichitambwa muzvikoro zviri kumativi mana enyika.

Muchinyorwa chakabva kuZimbabwe Chess Federation (ZCF), akafanobata chigaro chemutungamiri wesangano iri – Muchakanakirwa Mkanganwi – anoti rwendo rwenhengo dzeFIDE rwekuuya munyika rwakakosha zvikuru sezvo vachasangana nevarairidzi vakasiyana vemutambo uyu vovadzidzisa nzira itsva kuti zvigovabatsira mukurairidza vatambi vemuzvikoro.

FIDE ichatora mukana uyu kudzidzisa varairidzi vechess pasi pechirongwa chePreparation of Teachers Course icho vachapinda muzvidzidzo izvi vachawaniswa magwaro epamusoro-soro.

Pari zvino muZimbabwe mune chirongwa cheCrystal Candy National Schools Chess League uye FIDE ichange ichiongorora mafambiro ari kuita ligi iri yozopawo pfungwa dzayo dzekubatsira kuti mutambo uyu urambe uchisimukira.

“Zimbabwe Chess ine mufaro mukuru kugamuchira nekushanyirwa nenhengo dzeFIDE uye tinoona uri mukana wekurakidza kukura kuri kuita mutambo uyu munyika, kusanganisira chirongwa cheChess in Schools Initiative. Chirongwa cheCrystal Candy National Schools Chess League chiri kubatsira zvikuru mukusimudzira chess muzvikoro izvo zvange zvichiona vana vechikoro vakawanda vachitamba mumitambo yakasiyana yatange tichironga.

“Kuuya kwevamiriri veFIDE kuchabatsira kushambadza mabasa atange tichiita seZCF nevamwe vatinoshanda navo nekusimudzira chess sechombo chedzidzo.

“Kuuya kwavo tinovimba kuti kuchativhurira mikana yakawanda seZCF uye kuti mutambo wechess urambe uchisimuka munyika.

“Naizvozvo tiri kukurudzira varairidzi kuti vauye vagopinda muchirongwa chePreparation of Teachers Course icho chichaitiswa neFIDE vagowana magwaro neruzivo rwakadzama rwekurairidza mutambo uyu munyika,” anodaro Mkanganwi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey