Flame Lilly, Whawha, Tsholotsho hodhi mupsl

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

LIGI reCastle Lager Premiership rakasvika kwamvura yacheka makumbo svondo radarika musi weSvondo apo Dynamos FC yakanyora zita rayo munhoroondo yenhabvu yemunyika ino nekuhwina kwayakaita mukombe weligi kechina kakatevedzana.

Hazvisi zvikwata zvepamusoro chete zvaipemberera pazuva iri sezvo nekune rimwe divi yaive misodzi kuzvikwata zvakaita seBlack Rhinos, Shabanie Mine, Bantu Rovers pamwe neChiredzi izvo zvakaburitswa muligi nekudaro gore rinotevera zvichange zvichitambira kuZifa Division One.

Kubuda kwazvo kuchaona zvikwata zvinoti Flame Lilly FC iyo yaitambira muWorld Navi Northen Division One, Whawha Football Club (Central Region Division One) pamwe neTsholotsho FC (Southern Region Division One) zvichipinda muligi iri mwaka unotevera. Mitambo yemuEastern Region Division One iri kupera svondo rino uye zvikwata zvinoti Buffalo Junior pamwe neMutare City Rovers zvese zvine mukana wekupinda muPSL gore rinotevera.

Zvakadaro, chikwata chichakundwa mumitambo yacho yekupedzisira chicharuza mukana wekutambira muPSL.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey