Fodya ye’vaping’ inokanganisa utano

27 Sep, 2023 - 15:09 0 Views
Fodya ye’vaping’ inokanganisa utano Munhu achiputa fodya nenzira yevaping

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KUNE nzira itsva iri kushandiswa nevamwe vanhu – kunyanya vechidiki – kuputa fodya yemidzanga apo inobatidzwa yakabatanidzwa kumudziyo wakadai sechidimbu chepaipi kana chigaba chinokwatisa fodya yacho mumvura pachishandiswa simba remagetsi, iyo inonzi muchirungu “vaping”.

Izvi zvinonzi zvine njodzi huru yekukonzera kubatwa nezvirwere zvemapapu nezvimwe.

Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano inoratidza kuti vanhu vanomwe pakati pegumi vari kuti vanoda kwazvo kusiya nyaya dzekuputa fodya zvisinei nekuti vamwe vachiri kukundikana uye vachitozosiya nekuda kwekurwara kwakanyanya.

Kuputa fodya kunonzi kunokuvadza mitezo yemuviri kusanganisira mwoyo, uye chikamu che1/3rd chendufu dzevanhu vanobatwa nechirwere chemwoyo zvichibva mukuti vanoputa fodya kana kuti vaifema hutsi hwefodya hunofuridzwa nevaputi.

VaMichael Blaha, avo vanova director weClinical Research paJohns Hopkins Ciccarone Center for Prevention of Heart Disease, vanoti kunyangwe zvazvo kuputa fodya nenzira yevaping kuchinzi hakunyanyi kukuvadza utano hwevanhu, nzira iyi ine mikana mikuru yekukanganisa utano sezvo paine huturu hwenicotine hunozoenda kumapapu hwakawanda mushure mekufashaidzwa.

“Fodya yagara ine uturu hunosvika 7 000 hunokanganisa utano hwevanhu asi hatisati taziva mhando yehuturu chaihwo hunowanikwa pakuputa fodya nenzira yevaping. Zvisinei, pachine fungidziro yekuti uturu hwacho hunenge kwakaderera.

“Mumwedzi waKukadzi 2020, sangano reCenter for Disease Control and Prevention (CDC) rakatambira nyaya 2 807 dzevanhu vakabatwa nezvirwere zvegomarara remumapapu uye 68 vakarasikirwa neupenyu nekuda kwezvirwere zvakarerekera kumapapu,” vanodaro.

CDC inoti kuputa fodya kunokonzera matambudziko gumi nefararira sekuita muviri wakapfurikidza mwero.

“Kuputa fodya kuri kuuraya vanhu vanodarika mamiriyoni masere pagore pasi rose uye hakuna mitemo yakasimbarara inobatsira mukuchengetedzwa kwevanhu,” vanodaro VaKgosi Letlape vanova Africa Medical Association president.

Dr Kgosi Letlope

Vanoti kuputa fodya nenzira yevaping kuri kunyanya kukurumbira mukati mevechidiki uye kunyika dzakasimukira zviri kukonzera kuwanda kwevanobatwa nezvirwere zvemapapu zvichizopa mutoro kuhurumende wekurapa vanhu ivava.

“Nyaya dzekuputa fodya nenzira iyi dzichiri kuongororwa mushure mekuonekwa kuti dzine njodzi huru kuutano hwevanhu. Vechidiki vari kuputa fodya nenzira iyi vanopedzisira varovedzera zvekusvika pakukundikana kuiregedza,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa nesangano reZimbabwe Civil Liberties and Drug Network inoratidza kuti madzimai echidiki, ayo anoputa fodya, vanosvika pakunetseka kuti vazoiregedza uye vanozoda rubatsiro rwunodhura kuti vabatsirikane.

“Kuputa fodya kwemadzimai nevanasikana kune matambudziko akawanda apo vanokwanisa kumbunyikidzwa nenzira yebonde, kurwiswa, kushandiswa mabasa akaomarara vasina ruzivo uye vamwe vanopara mhosva kana kupedzisira vava kurasika njere nekusangana nenyaya dzerusarura,” vanodaro VaPrecious Shumba vanova director weHarare Residents Trust.

VaPrecious Shumba

Vanoti zvinoda mushandirapamwe wemapoka anosanganisira mapurisa, vemachechi, vabati vemitemo, vabereki, zvikoro nemakunzuru kuti patsvagwe nzira dzekubatsira nadzo vechidiki, kusanganisira vana vanorarama mumigwagwa vanova vari pamberi mukutora zvinodhaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey