Fury akahwiniswa nehuwori: Froch

02 Nov, 2023 - 20:11 0 Views
Fury akahwiniswa nehuwori: Froch Tyson Fury apo akawumburudzwa naFrancis Ngannou

Kwayedza

Carl Froch akatsanangura kukunda kwakaita Tyson Fury mumutambo wake naFrancis Ngannou kuRiyadh se”huwori hwepamusoro-soro” uye ndokuti kusarudzwa kwake kuti ahwina nemajudge inhau yekuda kusimudzira The Gypsy King apo akatarisana nekuzosangana naOleksandr Usyk.

Fury akarwa neaimbove mutambi weUFC kuRiyadh mumutambo uyo wange wakatarisirwa gore rese, asi akakunda nepaburi retsono apo akapihwa zvibodzwa zvinoti 94-95, 96-93 ne95-94.

Achitamba mutambo wake wekutanga wetsiva wepamusoro, Ngannou akarova Fury chibhakera chematsenga nzungu muchikamu chechitatu akawira pasi akapotsa padiki ahwina mutambo uyu kuSaudi Arabia.

Mutongo wemajudge uyu wakashorwa zvakanyanya uye Froch anoti chizvarwa chekuCameroon (Ngannou) ndiye akahwina zvakajeka.

‘’Tyson Fury akarohwa. Kuti ndiye akahwina, pakakanganiswa zvikuru,’’ aimbove shasha yepasi rese muboka remiddleweight anodaro achitaura padandemutande rake reYouTube.

‘’Handisi kuzotaura kuti hwaive humbavha huri pachena. Zvikamu zvakawanda aive pedyo, asi kwandiri, Francis Ngannou akahwina mutambo uyu.’’

Kunyangwe zvake akange asati amborwa mitambo yetsiva kumashure, Ngannou akaita kuti hupenyu husanyanya kugadzikana kuna Fury kuRiyadh kupfuura zvaitarisirwa neshasha yepasi rose yeheavyweight iyi. — SportsMail Boxing

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey