Gadziriro dze2024 Paris Olympics dzatanga

14 Jul, 2022 - 09:07 0 Views
Gadziriro dze2024 Paris Olympics dzatanga Ringisai Kudzanai Hillario Mapondera

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Olympic Committee (ZOC) ratanga gadziriro dzemitambo ye2024 Paris Summer Olympics izvo zvakaona richagadza Ringisai Kudzanai Hillario Mapondera kuve Chef De Mission (CdM) wechikwata cheTeam Zimbabwe.

MaSummer Olympics aya achaitwa kuFrance kubva munaChikunguru achizopera munaNyamavhuvhu muna2024 uye Zimbabwe inotarisirwa kutumira shasha dzemitambo yakasiyana kunokwikwidza kumitambo iyi.

Muchinyorwa, ZOC yakazivisa nezvekugadzwa kwaMapondera zvichitevera tsvakurudzo yaikaitwa pavanhu vakawanda vaida basa iri.

Mapondera ane basa guru rekutungamira chikwata cheTeam Zimbabwe kuenda kumitambo iyi uye achaona pamusoro pezvose zvinodiwa nevatambi nevaraidzi.

“Basa raCdM rinotanga ari kumaOlympics uye nepanopera mitambo yemaOlympics iyi.

“Izvi zviri mugwara rechirongwa cheZOC cheAthletes Development and Support Overall Goal chekuona kuti chikwata cheZimbabwe chatsigirwa chaizvo uye vatambi vagadzirira nemazvo kuti vagonokwikwidza zvakanaka kumitambo mikuru yepasi rese kusvika mugore ra2025,” inodaro ZOC.

Kumitambo ye2024 Paris Olympics, Zimbabwe inotarisirwa kutumira vatambi vakawanda zvichitevera vatambi vashoma avo vakanomirira nyika kumitambo yekupedzisira ye2020 Summer Olympics.

Mitambo iyi yakazoitwa gore radarika sezvo yakange yamiswa nekuda kwedenda reCovid-19 iro rakaona mitambo ichimiswa pasi rose muna2019.

Kumitambo ya2020, Zimbabwe yainge ine vatambi vashanu vaiti Ngoni Makusha wemujaho wekumhanya, Scott Vincent anotamba gorofu, Donata Katai anotuhwina, Peter Weltzar anotuhwina zvekare naPeter Purcell-Gilpin werowing.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey