Gadziriro dzeCossasa dzotanga

13 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Gadziriro dzeCossasa dzotanga

Kwayedza

MUTUNGAMIRI wesangano reNational Association of School Heads pamwe nereConfederation of Schools Sports Southern Africa, Johnson Madhuku anoti gadziriro dzemitambo yeCossasa dzave padanho repamusoro uye Zimbabwe ichange ichirwira kuchengetedza mukombe wayo uyo yakahwinha gore radarika.

Mitambo yeCossasa ichatanga musi wa29 Nyamavhuvhu ichipera musi wa29 uye ichatambirwa kuBulawayo.

Zvikwata zvenyika dzinoti Botswana, Namibia, Swaziland, Lesotho, Zambia neZimbabwe zviri kutarisirwa kuzokwikwidza mumitambo inoti rugby, volleyball, nhabvu, basketball, netball netenesi.

Muhurukuro naMadhuku, anoti chikwata chavo chichapinda mukembi svondo rino umo chichagara kusvika mitambo iyi yatanga.

Anoti havasi vatambi vose vanotarisirwa kupinda mukembi umu sezvo vamwe vari kunokwikwidza kumitambo yemaNational Youth Games kuManicaland nekudaro vakadai ava vachange vachizosangana nevamwe vavo munguva inotevera.

Gore radarika, Zimbabwe ndiyo yakahwina mutambo uyu apo wakatambirwa kuZambia.

“Zvikwata zvedu zvemitambo yakasiyana zviri kugadzirira zvakasimba nekuti zvinoziva kuti tinofanirwa kuchengetedza mukombe wedu.

“Tinotarisira kuti zvikwata zvose zvichapinda mukembi svondo rino umo zvichagara kusvika makwishu aya atanga.

“Vamwe vatambi vari kuenda kumaYouth Games, zvakanaka chose nekuti ikoko vachange vachitoitawo gadziriro variko. Tichatumira nhengo dzedu ikoko kuno vaongorora,” akadaro Madhuku. Madhuku anoti muzvikoro muzere nevechidiki vane tarenda rinodadisa saka zvikwata zvenyika zvakaita semaWarriors, Mighty Warriors, basketball nenetball hazvifanirwe kutambudzika nekutsvaga vatambi.

“Muzvikoro mune vana vane tarenda rinodadisa zvikuru saka zvikwata zvenyika hazvifanirwe kutambudzika nekushaya vatambi.

“Kune dzimwe nyika dziri kuEurope vana vane makore 16 kana 17 ekuberekwa unotovaona vave kutambira nyika dzavo,” akadaro Madhuku.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey