Uncategorized

Garikai anorova baba vake Gladys

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Tatenda Shuro
MURUME samusha wekuMbare, muHarare, akaendesa mwanakomana wavo kudare achiti ari kugara achimurwisa mushure mekunge amuudza kuti abve pamba pavo, atsvage kumwe kwekunoroja zvichitevera kuroora kwaakaita.

Gladys (izita remunhurume) Muswere akamhan’arira mwana wake, Garikai Muswere (31), kuHarare Civil Court.

“Uyu mwanakomana wangu chaiye uye nokuda kwekuroora kwaakazoita munaNyamavhuvhu, ndakamuudza kuti anofanira kuchitsvaga kumwe kwekunogara,” anodaro Gladys.

Anoti Garikai haana kutsvaga kumwe kwekunogara kusvikira apo akamusiya ari pamba apa iye achimboenda kumusha.

“Ndakaenda kumusha paKirisimasi asati atama sezvo kuina amai vake. Pandakadzoka, ndipo paakatanga kundirwisa, mukoma wake akatozondinunura,” anodaro Gladys.

Anoti haazive kana pane paakakanganisa apo akabvunza mwana wake kuti akange asvika papi nenyaya yekutsvaga kumwe kwekuti anogara izvo zvakaita kuti atange kumurwisa.

“Ndakamuti wave papiko, shoko iroro harina kumuitira zvakanaka. Saka ini ndave kutotya kugara naye. Ndave kutotya kuti anogona kana kunditema nedemo,” anodaro.

Garikai anoti anowirirana nababa vake asi dambudziko ravepo nderekuti vave kuda kutsvaga roja rokuti rigare pamba apa kuti vagokwanisa kuchengeta amai vake vari kumusha.

“Nababa tinowirirana chaizvo, vari kuda kuisa roja kuti vawane mari yekubatsira amai vangu vanogara kumusha asi ini ndichikwanisa kutovabatsira. Handichaziva kuti vari kuda rubatsiro rwakadii,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Gladys gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey