Uncategorized

Garwe rakachibvondora pachipatara

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Garwe rakachibvondora pachipatara Garwe raidzingirira vanhu pagedhi rechipatara cheSt Patrick’s Hospital, kuHwange, svondo rapera mushure mekunge rapfurwa neveZimParks.

Kwayedza

Whinsley Masara
VAGARI vekuHwange vakasara vakaputirwa nekutya kukuru apo mutumba wegarwe rakareba chipo chemamita matatu iro risiri kuzivikanwa kwarakabva rakavharira gedhi repachipatara cheSt Patrick’s Hospital ndokutanga kudzingirira wose waraiona kwemaawa maviri.

Garwe iri rakaita kuti vanhu vatye kupinda pachipatara ichi sezvo rakanga richitandanisa munhu wose akanga achiedza kusvika pedyo naro.

Dhamu rine mvura riri pedyo nechipatara ichi rinonzi Kalape Dam riri kurukesheni rweSt Mary’s, chinova chinhambwe chemakiromita gumi nokudaro vagari venzvimbo iyi vakashamiswa kuti sei garwe iri rakawanikwa riri pachipatara ichi, pasina kana dziva rine mvura.

Vatyairi vematekisi ndivo vamwe vevanhu vakatanga kuona garwe iri kuma7 dzemanheru apo rainge rakachinjika pagedhi rechipatara chiri kunzvimbo yeEmpumakanga ichi.

Chikwata chevashandi veZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority chakazosvika ndokuuraya garwe iri uye panguva iyi vanhu gumi nefararira vakanga vaungana vachida kuona chikara ichi.

Vanhu vakapawo pfungwa dzakasiyana pamusoro pekuonekwa kwegarwe iri sezvo dhamu rine mvura riri kure nenzvimbo yarakaonekwa.

Mambo Shana vanoti hazviwanzoitika kuti garwe rionekwe riri kure nemvura.

“Pachivanhu chedu sevatema, kana garwe rikaruma munhu rikasamuuraya kana kuti akapukunyuka, rinomutevera kuti rimupedzise. Rinotevera munhu kana kumba kwake chaiko saka tine fungidziro yekuti pane anogona kudaro akatiza garwe iri nokudaro rava kumutevera,” vanodaro.

Pakaitika izvi, vashandi vepachipatara ichi vanoti pakanga pasina murwere akanga arumwa negarwe, zvimwe chetezvo nemapurisa ayo anoti haana kumbotambira nyaya dzine chekuita nekurumwa kwevanhu nechikara cherudzi urwu.

Mambo Shana vanoti garwe iri rinogonazve kunge riri remunhu kana kuti pane zvimwe zvinhu zvakaipa zvaiitika.VaThemba Tshuma vanova mabharani weHwange Local Board Housing vanoti vanhu vakawanda vaingofona kumahofisi avo zvichitevera chiitiko ichi.

“Pasina kana maminitsi mashanu ndakatambira nhare dzinodarika gumi kubva kuvagari venzvimbo iyi avo vange vachityiswa nekuuya kwegarwe munharaunda mavo vachiti tifonere veZimParks, vanoona nezvekudzimura moto neRescue Team kuti vauye kuzovabatsira. Pakutanga ndakatombofunga kuti raingova zvaro danda kana kuti puranga nekuti ndinoziva makarwe achiwanikwa mumvura kwete kugwenga kunogara vanhu,” vanodaro VaTshuma.

“Kune zvakawanda zvakataurwa nevanhu pamusoro pegarwe iri apo vamwe vanoti kune munhu anogona kunge akakundikana kushandisa mishonga yake ikamupandukira, ikazosanduka kuita zigarwe.”

VaTshuma vanoti veruzhinji havana kuzvitambira kuti garwe iri rakafamba chinhambwe chakakura kubva sekuKalape Dam kunova kunozivikanwa nembiri yemakarwe.

Mukushi wemashoko kuZimParks, VaTinashe Farawo, vanotsinhira nezvekuonekwa kwegarwe iri pagedhi rechipatara ichi pamwe nekuzourayiwa kwaro.

“Ichokwadi, takatambira mashoko ekuti kune garwe rakaonekwa pagedhi repachipatara chiri munharaunda iyoyo. Tinofungira kuti rinogona kunge rakatiza richibva mudhamu riri pedyo. Chikwata chedu chakazoriuraya nekuti rakanga rava kuisa upenyu hweruzhinji panjodzi. Tiri munguva yekunaya kwemvura uye madhamu edu akazara nokudaro rinogona kunge rakayeredzwa nemvura rikanorasirwa munharaunda ine veruzhinji,” vanodaro VaFarawo.

Vanoti kunyangwe zvazvo zviri zvinhu zvinowanikwa kuti mhuka dzinogona kupoya dzichienda munzvimbo dzinogara vanhu, ruzha rwaiitwa neveruzhinji apo vairatidza kufadzwa nekuona chikara ichi ndirwo rwakaita kuti garwe iri rive nehukasha.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey