Uncategorized

Godhazi naWidzo ndiani?

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

TIRI vanhu vekurondedzera, vehurukuro nekutsanangura. Hatisi vanhu vaye vanoti kana mumwe wedu afa tongoti, “Nematambudziko,” zvobva zvapera, kwete.Tinoda kuziva kuti chii chakaitika kuti munhu azofa, nekuti tese tinozvarwa nenzira imwe chete, asi mafiro edu akasiyana sekusiyana kwakaita mazita edu.

Kana munhu afa, tinoda kuziva kuti, mufi akarwara here? Chii chaimurwadza? Ane zvaakataura here pamusoro pekurwara kwake? Ko kufa kwake kwakanga kuchityisa kana kushamisa here?

Hapasi panyaya dzekurwara nekufa chete patinoda nhoroondo, tinoda nhoroondo yezvinhu zvakawanda — kana munhu afamba, tinoda kuti atiudze zvaakaona kwaakanga aenda. Kana ataura zvaakaona ikoko, nesuwo kana tozozviudza vamwe tinotozozvitaura sekunonzi nesuwo takanga taenda naye!

Asi chanetsa ndechekuti hupenyu hwedu hwave pamushikashika, saka hatichagona kurondedzera kana kutsanangura, asi tave kugona kutuka, kupopota, kushaudha nekutaura chiRungu chemahara. Nyaya dzedu hadzichareva chinhu semazita edu.

Mazita edu ave mapfupi, uye ari ekugurisira kunge chibage chekugwedurirana muguri.

Vazhinji tave kunzi anaGodhazi, Widzo, Stavho, Peshi, Fafi, Chale, Kuku, Ta, Pipi, Fifi, Fofo, Titi, Kiki, Dee, B, Chichi zvichingoenda zvakadaro.

Asika, kana mukati Chichi kuna Chiwoniso munenge marasikirwa nezvinoreva zita remunhu zvese nechikonzero chakaita kuti apihwe zita iroro. Zita remunhu rega rega inyaya. Asi variko vanotiza nyaya dzinotaurwa nemazita avo vozvitsvagira zvimwewo.

Ini semunyori nasarungano ndinofarira kuziva zvinoreva zita remunhu nezita remhuri yake. Asi chiri kuramba chichindikatyamadza kuti ndine vanhu vandave kubvunza mazuva ano kuti mazita avo anorevei, asi vanondiudza kuti havatomboziva nekuti havana kana kumboita shungu nazvo kana kuzvitsvaga.

Handiwanzogutsikana nemunhu anozvizivisa achiti, “Ini ndinonzi Tich.” Tich hazvina zvazvinoreva nekuti chigwishu chezita rakazara rine zvarinoreva. Kana munhu akati anonzi Tich, chaari kuita kuvanza kuti ndiye ani. Nekuti kuti Tich kunogona kuvanza zita rako rekuti: Tichafa, Tichapondwa, Tichavatonga, Ticharwa, Tichakunda, Tichamuka, Tichakura zvichienda zvakadaro.

Ndine mwanasikana wangu asinganwe doro wandakazoudza hudhakwa. Ndakanga ndamuti, “Kufamba kwako handichakuona zvakanaka. Ndinofunga kuti wave nemukomana.”

Haana kana kuramba kuti ane mukomana waakanga ave kufambidzana naye. Ndakamubvunza zita remukomana wake, akati anonzi, “Widzo.”

Ndakamuti Widzo harisi zita, ndiri kuda zita rake rese, akabva ati tuzu akanditarisa achiti, “Handizive, ndinongoziva kuti anonzi Widzo chete.”

Ndakabvunza kuti, “Ko chindiudza zita remhuri nekumusha kwaWidzo?” Mwanasikana akabva anditarisa zvekuratidza kuti ndave kumunetsa. Akati akanga asingazive.

Saka chinotyisa panyaya yakadai ndechekuti Widzo aigona kushereketa nemwanasikana wangu uyu, kana ave nenhumbu, Widzo aifuma atama ave kuGweru, uye ave kunzi Godhazi.

Kurasika hakuitike musango chete musina nzira dzakapfumbira, asi kana nemudhorobha makazara migwagwa ine mazita, mota nevanhu, munhu unogona kurasika. Kana munhu usingazive zita rako, kwaunobva nezvakaita kuti uzopihwa zita rako, hausati wakura.

Ndege haimhare musango seshiri, nechimedu chebhodhoro hachisi bhodhoro. Munhu haasi chinhu chakafanana nedombo, nekuti paanozvarwa pane zita rinonyorwa kudenga kuti Chenhamo azvarwa, kwete Chen.

Kana Jesu chaiye aive nezita, akanga asinganzi Jay kana JayCee. Nanhasi tinongoziva kuti kunongori naJesu Kristu mumwe chete, iye Mwanakomana waMwari mupenyu. Saka iwe unonzi ani?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey