Uncategorized

Guva haripiswe: Chisanyu

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Guva haripiswe: Chisanyu

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
NYANZVI munyaya dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practioners Association (ZNIPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti pachivanhu, kana murume afirwa, anofanira kumbowana nguva yekuchema mudzimai wake asati afunga zvekutsvaga mumwe.

“Kana murume afirwa nemudzimai, haangotori muramu achienda naye pakarepo. Zvinotoitwa negwara mushure mekunge atora gore chairo achichema mudzimai wake, pozoitwa nyaradzo kana kurova guva.

“Vanatezvara ndivo vanozogara pasi voona kuti pavanin’ina vemudzimai ndoupi angaita sarapavana. Asika, kuva sarapavana hazvirevi kuti unobva watova mukadzi wemurume anenge akafirwa, uripo kuti kana vana vakaita dambudziko, vanoenda kunamainini kana mukoma wemufi vachibatsirwa – kana kuti vachichengetwa,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoenderera mberi vachiti: “Zvekugara nhaka zvaiveko kare, asi iko zvino zvakapera nenyaya yekuti kwava nezvirwere zvepabonde, vanhu vanopera kufa.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey