Haemophilia: Kasika kutsvaga rubatsiro

12 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
SANGANO reZimbabwe Haemophilia Association (ZHA) rinoti zvakakosha kuti vanhu vari kutambudzwa nechirwere chekungobuda ropa zvisina tsarukano vaongororwe nanachiremba nguva ichiripo uye denda risati radingindira mumiviri yavo.

Chenjedzo iyi yakapihwa nguva pfupi yadarika pazuva rekucherechedza kukosha kwekurwisa chirwere ichi, reWorld Heamophilia Day kumahofisi eNational Blood Services Zimbabwe ari muHarare.

Zuva iri rinocherechedzwa musi wa17 Kubvumbi gore negore apo veruzhinji vanenge vachipihwa ruzivo pamusoro pechirwere chekungobuda ropa zvisinganzwisisike.

Zviratidzo zvedenda reHaemophilia zvinosanganisira kungorasikirwa neropa zvisina tsarukano mumuviri uye kazhinji kacho zvichifamba nemumhuri (inherited bleeding disorders).

ZHA inoti kune vanhu vakawanda vari kutambudzwa nechirwere ichi nokudaro panofanira kushambadzwa mashoko echenjedzo kuitira kuti varwere vakasike kutsvaga rubatsiro.

“Zviuru nezviuru zvevanhu vari kutambudzwa nechirwere chekungobuda ropa zvisina tsarukano asi vasiri kuvhenekwa kuti vakwanise kurapwa, rinova dambudziko guru,” inodaro ZHA.Sangano iri rinoti zvakare vanhu vazhinji vari kurarama asi vasingazivi kuti vane denda iri.

Pazuva remhemberero idzi, vamwe vari kushungurudzwa nechirwere ichi vakapawo huchapupu hwavo.

Mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Inzwai mazwi avo”.

Nyanzvi munyaya dzezveutano dzinoti madzimai nevasikana ndivo vanonyanya kutambudzwa nedambudziko rekurasikirwa neropa kwakanyanya, zvikuru apo vanotevera mazuva avo, panguva yekusununguka kana pakubva kwemimba.

Mhemberero dzeWorld Haemophilia Day dzakavambwa muna1989 nesangano reWorld Federation of Haemophilia (WFH) apo vakasarudza kuti vanhu vari munharaunda dzakasiyana vange vachiungana kucherechedza zuva irori.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey