‘Handichada murume, anondirova’

27 Aug, 2023 - 10:08 0 Views
‘Handichada murume, anondirova’ Terresa Pumuri

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wekuGazebo, kuEast View, muHarare, anoti haachadi murume wake nekuti anzwa nekuzvindikitwa kurohwa zvekusvika pakuti chipfuva chake chave kugara chichirwadza.

Terresa Pumuri achema-chema mudare reHarare Civil Court achiti murume wake, Cuthberth Gonese, ane katsika kekumurova, kumukava pachipfuva, kumutsika-tsika muviri wese uye kumuudza kuti anoda kumuuraya saka ave kutyira upenyu hwake.

“Baba ava vanondivenga nekundisema, iko zvino tatove nemakore manomwe tisingafadzane pabonde, ndaikumbirawo kuti vabve zvavo pamba pangu nekuti ndakatenga ndega nzvimbo iyi ndokuivaka ndega. Havana kana sendi ravo ravanoburitsa,” anodaro Pumuri.

“Ndakambomhan’ara kumapurisa epaGazebo Police Station, ndivo vakazoti tiuye kuno kudare nekuti nyaya dzacho dzawandisa.”

Gonese haana kukwanisa kupikisa zvaitaurwa mudzimai wake.

Mutongi Sharon Mashavira vapa Pumuri gwaro redziviriro ndokumuzivisa kuti haana mvumo yakudzinga murume wake pamba pavo pewanano asi anogona kuenda kune matare anoona nezvewanano kuti abatsirwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey