Uncategorized

‘Handichada Vakadzi Vevanhu’ . . . Mushonga weraki wojamuka

21 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
‘Handichada  Vakadzi  Vevanhu’ . . . Mushonga weraki wojamuka Gumisai Matema — Mifananidzo naTertia Makurumidze

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekwaSeke ari kudura kuti anoshereketa pamadiro nevanhukadzi vaanenge achiva asi ivo vasingazive nekuda kwekuti ane mushonga wegondwawaturuka.

Anoti akatanga kuita izvi mushure mekunge aenda kun’anga uko akanopihwa mushonga weraki.

Gumisai Matema (44), wemubhuku raMusoko, kuDema — uyo akaroora aine vana vashanu — anoti katsika kekushereketa nevanhukadzi vasingazive aka haachakada.

“Zvakatanga ndaenda kun’anga yekwaKandava, muno maSeke, ndichida mushonga weraki ndikaupihwa. Zvakazopanduka ndave kungonzwa kuda madzimai zvakadarikidza. Pose pandinenge ndiri, ndikangomira pane madzimai bedzi, zvinobva zvatanga uye ivowo havazokwanisa kubva ipapo kusvika ndapedza navo.

“Handinyare nyaya iyi nekuti handichazvida, zvinondikanganisira magariro nevanhu, zvikuru varume kana vakaziva kuti ndinoshereketa nemadzimai avo kana vanasikana nenzira idzi,” anodaro.

Murume uyu anoti asarirwa naamai chete sezvo baba vake vakashaika.

Anoti kana twake twakakwidza, anogona kuita zvakashata izvi kuvakadzi vatatu kana vashanu pazuva.

“Ndava nemakore matatu mishonga weraki uyu wapanduka, kungoona munhukadzi bedzi ndinonzwa kubvunda nekunzwa mudongodongo wekuvada.

“Kana zvatanga kudaro, zvinongotora nguva ingaita maminitsi mashanu kusvika gumi – ndinenge ndatopedza. Pandinoita izvi, vakadzi havana chavanonzwa asi inini bedzi.”

Matema anoti akangopihwa kamudzi kachena nen’anga achinzi ainoisa mumafuta ekuzora, izvo aiita kwemakore matatu ose asi hapana chinhu chine musoro chaakakwanisa kuita neraki rainzi raizogara rakamushanyira.

“Kubva pandakatora mushonga uyu, nhamo yakatowedzera mukurarama kwangu, hapana chine musoro chandakamboita sekuvimbiswa kwandakaitwa nen’anga iyi,” anodaro Matema.

Pamakore ose aya, murume uyu anoti ashereketa nemadzimai anodarika makumi mana asi ivo vasingazive.

“Handisarudze, vangava vasikana, madzimai emazera akasiyana kana chembere. Kune vamwe vave kuzviziva muno avo vasingade kundiona ndichisvika pedyo navo nekuti vanobva vatiza.”

Murume uyu – uyo ane musha uri padyo nenzvimbo yemabhizimisi eDema – anoti anogona kuita mabasa ake akashata aya mumabhazi, mumakombi, parufu kana pamuchato – chero panoungana vanhu.

Anoti semunhu anonwa doro, anopinda mumabhawa achiita zvimwe chetezvo.

Matema anoti mudzimai wake wekutanga akafa asina mwana iye ndokuzoroora wechipiri uyo waanoti haazvizive kuti anoita izvi kuvanhukadzi.

“Mukadzi wangu handina kumbomuudza nyaya iyi. Kunyangwe amai vangu kana dzimwe hama havana chavanoziva nezvazvo. Imi (veKwayedza) ndimi matanga kuziva nyaya iyi zviri ‘official’ nekuti ndave kuda kubatsirwa.

“Musataure nemudzimai wangu kana amai kana imwe hama yangu nekuda kwenyaya iyoyi.

“Ndinoziva kuti vanhu, kunyanya vemaSeke muno, vachagumbuka zvikuru nekuda kwekatsika kangu aka. Asi kuzvipira kubuda pachena kudai kuda kubatsirwa, ndigarewo upenyu hwakanaka sevamwe.

“Ndinoti kune vamwe vane katsika kekuda kunotora mishonga kun’anga vasiyane nazvo sezvo zviine matambudziko,” anodaro.

Matema anoti haana zvirwere zvepabonde zvaati atapurirwa nemaitiro ake aya uyewo hapana mukadzi waakaitisa pamuviri nekatsika kake aka.

“Handidi kutaura zvevamwe, regai nditaure zvangu bedzi izvo zvandisisade. Iye zvino mudzimai wangu anorwara handizive kuti anorwara nei, pamwe ndizvozvi zvandinoita izvi.”

Anoti kune imwe n’anga zvakare yakamupa mushonga wemangoromera.

“Handina basa chairo randinoita, ndinorarama nemaricho saka nekuda kwenyaya iyi, vanhu vave kutya kundipa mabasa nekutyira vanasikana kana madzimai avo,” anodaro.

Vamwe vasikana vanoshanda mumabhawa nemuzvitoro vakataurwa navo kunharaunda inogara Gumisai vanoti vanonzwa zvinhu zvisina kumira mushe apo murume uyu anenge ari pedyo navo.

“Fanika seni, ndinozvinzwa kana ari pedyo neni, kana dai ari kuseri kwekaunda uko. Handiye oga, pane zvimadhara zvakawanda muno zvinoita tsika iyoyi. Ndakangouya muno ndichingonzwa kuti mune vanhu vane mushonga iwoyu,” anodaro mumwe wevasikana ava, asi ndokukumbira kuti zita rake risadurwe.

Mbuya Letwin Manguwo Mamoyo vekuChitungwiza vanoti murume uyu anoda kushandirwa kuti zvaari kuita zvipere.

“Hongu, mishonga inopanduka sezviri kutaurwa nemurume uyu. Akakanganisa mhiko idzo akapihwa, asi zvinopera. Kana hanzvadzi dzake chaidzo, kunyangwe naamai vakamubereka, anogona kuvakangaisa nenzira idzodzi,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Tichakunda Bote Katerere (44) vekuHatfield, muHarare, vachiti, “Murume uyu ane mhiko idzo akakanganisa.”

Madzibaba Mateo Mupfumbati vekuBudiriro vanoti Matema akapihwa huroyi huri pachena iye achifungidzira kuti mushonga weraki.

“Maitiro aya achaita kuti murume uyu apondwe nevanhu kana akaramba achidaro,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey