‘Handidzokere kuMoza kana ndisati ndaparadza musha’

18 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Courtney Munodawafa

KUNE murume chizvarwa chekunyika yeMozambique uyo ari kugara nemudzimai wake muno asi ari kubheja achiti haafe akadzokera kumusha kwake kudzimara atanga aparadza pamusha pavari kugara.

Nyaya iyi yatokora muto zvekuti yava kudare redzimhosva.

Dorcas Tivarire akamhan’arira Fidelis Guvheira kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza.

Mutongi wedare iri, Noah Gwatidzo, akapa Tivarire gwaro rinomudzivirira.

“Mutongi, tave nenguva yakareba tiri tose uye tatova nevana vakura. Murume wangu akati anoda kudzokera kumusha kwake kuMozambique asi ndokuti haana kwaanoenda kusvika atanga aparadza musha wedu. Ndinokumbira kuti mupindire nekuti handizive kuti anoparadza kusvika papi,” anodaro Tivarire.

Anoti Guvheira anogara achiparadza midziyo yemumba.

“Murume uyu anoparadza zvinhu zvangu, anotyora nekupwanya midziyo. Ndikada kumurambidza anondituka zvinotosiririsa.

“Anondityisidzira achinditi anogona kungondiparadza pamwechete nemidziyo yangu. Ndave kugara ndichitya,” anodaro Tivarire.

Anoti imba yaari kugara naGuvheira ndeyake.

“Imba yatiri kugara ndeyangu. Dare rinenge randibatsira kana rikarambidza murume uyu kuti asatsika paimba iri kuWaterfalls. Akandibatsera kuivaka hake asi ndini ndakatenga sitendi yacho. Iye ane imba yake kwakewo. Pari zvino mumwe nemumwe wedu ane bhedhurumu rake oga, haticharare pamwechete,” anodaro.

Guvheira anoti haana kumbobvira audza mudzimai wake kuti anoda kusiya aparadza musha obva adzokera kuMozambique.

“Hongu, iyi imba yemukadzi wangu asi ari kundinyepera. Handina kutaura mashoko iwayo. Tinongonetsana panyaya yekuti haadi kuti nditsiure vana vedu. Kundiunza kwaaita kudare inyaya yekuti ndakatsiura mwana,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey