Handikundikane: Mawiwi

25 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
Handikundikane: Mawiwi

Kwayedza

MURAIRIDZI wechikwata cheDSTV Rangers, Bigboy Mawiwi, anoti anotenda Mwari nekuda kwechipo chaanacho chekuti chikwata chose chaanorairidza chinenge chiri muDivision One chinopedzesira chapinda muPremier Soccer League.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Mawiwi anoti ari kushanda zvakasimba kuti chikwata chake chigopinda muPSL mugore ra2017.

Mawiwi ane mukurumbira wekuvaka zvikwata zvakasiyana achizvibatsira kupinda muPSL.

Zvikwata zvakaita seCircle United, Gunners FC neHarare City FC zvose zvakatungamirirwa naMawiwi kupinda muPSL.

Akamboshanda neLengthens akasiya aivaka zvekuti yakapinda muPSL gore rakatevera iye abvako.

Anoti kutungamira kwaanoita zvikwata zvakasiyana kupinda muPSL chipo chinobva kunaMwari saka anozvitemba zvikuru kuti mwaka unotevera achazviita zvakare neDSTV.

“Ndave kutarisa zviri mberi, isu chishuwo chedu bedzi kuti tigotambire nhabvu muPSL.

“Ini hangu ndiri kuzvitemba kuti tichazviita nekuti ndinoziva kuti ndine chipo chandakapihwa naMwari chekubatsira zvikwata zvakasiyana kupinda muPSL.

“Ndakazviita neCircle United, Gunners FC neHarare City saka ndinoziva kuti ndichazviita zvakare neDSTV Rangers,” anodaro Mawiwi.

Kunyangwe hake achibatsira zvikwata zvakasiyana kupinda muPSL, Mawiwi haasati ambohwina mikombe yepamusoro.

Harare City akaipinza muPSL mugore ra2012, muna 2013 ndokupotsa ahwina nayo mukombe wePSL. Asi chikwata ichi chikazobvutirwa mukombe uyu neDeMbare pazuva rekupedzisra. Mugore ra2014, murairidzi uyu akamiswa basa sezvo matambiro eHarare City akange asingagutse uye gore iri ikapinda mufainari yeChibuku Super Cup iyo yayakazohwina gore rino apo yakakunda Dynamos 2-1.

Mawiwi anoti anofara zvikuru kana achiona chikwata chaanenge akamborairidza chichiita zvakanaka.

“Ini hangu ndinotenda Mwari pazvose zvandinoita, ndiye mubatsiri wangu. Mukatarisa zvikwata zvizhinji zvandakashanda nazvo zvakange zvisingazivikanwe asi zvimwe zvacho zvakazosvika pakuhwina mikombe mikuru.

“Ndozvandiri, ini ndinoda chaizvo kushanda nezvikwata zvisingazivikanwe pamwe nevatambi vasina mukurumbira ndovabika kusvika vave vepamusoro.

“Tarisai vatambi vakaita saSilas Songani naNation Kadewere avo vachangobva mumawoko angu vave kutambira kunze kwenyika. Ndinodada hangu nebasa randinobata muzvikwata zvakasiyana.”

Zvakadaro, zvichitevera kupera kwakaita mitambo yemuNorthern Region Division One izvo zvakaona Ngezi Platinum ichihwina tikiti rekutambira nhabvu muPSL gore rinotevera, Mawiwi anoti mugore ra2017 chikwata chake chichapindawo muPSL.

“Chikwata changu cheDSTV chine zvishuviro zvakawanda uye ini nevaridzi vechikwata ichi tinoshanda zvakanaka chose. “Tinoda kunge tichitambira nhabvu yedu muPSL saka mwaka unotevera tichashanda nesimba kuti tigopinda muPSL.

“Asi chatinoziva ndechekuti zvichange zvisiri nyore nekuti nhabvu inotambwa muNorthen Region yakaoma zvikuru. Zvikwata zvose zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura,” anodaro Mawiwi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey